Uncategorized

vana voitwa matatya pachikoro

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
vana voitwa  matatya pachikoro

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMWANA keGrade 1 paMasasa Primary School, kwaMutekedza, kuChivhu, kanonzi kari kuita mashura — kanosanduka koita kamudhara, ako kanozosandurawo vamwe vana vechikoro kachivaita matatya, mvura kachiita zvinwiwa.

Mwana ane makore gumi ekuzvarwa uyu anonzi zvakare anosandura matombo achiaita zviwitsi kana mabhisikitsi, izvo anozomwaira vamwe vana vechikoro avo vanonzi vanotya kuzvidya.

Anonzi paanoita izvi, anenge akabatwa nemweya unotaura kuti ndewasekuru vake vanobva kuChipinge, kunova kumusha kwababa vake.

Nyaya yemwana uyu iri pamiromo yevakawanda munharaunda yeko izvo zvakonzera kuti vamwe vabereki vatye kuramba vachiendesa vana vavo pachikoro ichi.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East Province, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakatosvitswa kumahofisi avo.

Max

“Ichokwadi, tine nyaya yakadaro —yemwana anonzi ari kuita zvinhu zvisina zera naye, zvemasaramusi zvinosanganisira kuchinja matombo kuaita mabhisikitsi nekusandurawo vamwe vana vachiita matatya. Iyewo mwana uyu anonzi anopindukawo nekuita zvimwe zvakawanda.

“Nyaya iyi ine chivanhu nekudaro takaiendesa kumadzimambo eko — Mambo Mutekedza naMambo Nyoka.

“Mwana uyu ane makore 10. Asi semapurisa, tiripo kuchengetedza mwana uyu achibatsirwa nemadzimambo aya nevabereki vake,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Mwana uyu — uyo watichangodoma saMax nechinangwa chekumuchengetedza sezvo achiri mudiki — akatombomira kuenda kuchikoro nekuda kwenyaya iyi.

Max anogara nasekuru vake VaSamuel naambuya vake Tsitsi (vose vatisingadome nemazita avo azere).

Amai vemwana uyu (zita ravo tinaro) vanonzi vari kushanda kuCape Town, kuSouth Africa apo baba vake, avo vaanonzi haana kumbobvira akavaona, vanonzizve vari kuSouth Africa.

Max akaita hurukuro neKwayedza nguva ichangodarika ndokuti iye haazive zvinenge zvichitika kwaari asi kuti anozongoudzwa nevamwe vanhu.

Anonziwo akanongedzera mifananidzo yakanamirwa kumadziro muchikoro inotanga kunyemwerera kana kufamba sezvinhu zvipenyu.

Imwe nyaya inonzi iri kushamisa veruzhinji ndeyekuti Max akadya chibage mukanwa, ochitsenga kwenguva refu, asi anozochisvipa chichingova tsanga dzisina kugaiwa.

“Ini hapana chandinoziva, vamwe vana vechikoro ndivo vanozoti ndizvo zvandinoita ndichinzi ndinoita zvemagic kana kuti Satanism. Vanonditi ndinopindura vamwe kuvaita matatya, iniwo ndichipinduka kuita datya kana dzimwe mhuka nezvimwe zvakawanda.

“Inini hapana zvandinoziva, izvozvi ndakatomira kuenda kuchikoro nekuda kwenyaya iyi,” anodaro Max.

VaSamuel vanotsinhira manenji ari kuitwa nemuzukuru wavo vachiti vakatoshevedzwa nemukuru wechikoro nekuda kwenyaya iyi.

“Ndakatoshevedzwa kuchikoro naheadmaster, VaMapuranga, ndikanonzi ndizvo zviri kuita muzukuru wangu. Ndakavhunduka nazvo zvikuru.

“Hanzi anopindura vamwe vana kuvaita matatya, iye achipindukawo kuzviita datya nekuita kadhara kane ndebvu chena dziri refu. Anonziwo kana akanongedzera mifananidzo yevanhu kana yemhuka dziri kumadziro kuchikoro, dzinobva dzatanga kufamba,” vanodaro sekuru ava.

Vanotizve ivo vakambokumbira mwana uyu kuti avaitire zvinotaurwa izvi asi akazvitadza.

“Max anonzi kuchikoro anotaura kuti ndisekuru vake vanoita izvi, avo vari kuChipinge kumusha kwababa vake. Mudzidzisi wake, Madam Gomo, vakatsinhirawo zvinonzi zvinoitwa nemwana uyu, kusanganisirawo kusandura matombo kuaita zviwitsi kana mabhisikitsi,” vanodaro.

VaSamuel, avo vanovazve sabhuku, vanoti nyaya iyi yakatokwidzwa kumadzimambo maviri emunzvimbo iyi anoti Mambo Mutekedza naMambo Nyoka avo vanonzi vakaenda kuchikoro uku vakanoudzwa zviri kuitwa nemwana uyu.

“Mwana uyu haachaenda kuchikoro nekuda kwenyaya iyi, ndinotya kuti anogona kukuvadzwa nevanhu nenyaya iyi sezvo yava kunzi iSatanism.

“Ndakafonera amai vake kuSA ndikavati vauye kuzomutora anopinda chikoro ikoko uye tinoda kuti azoendeswa kuna baba vake. Ini baba vacho handivazive, mwanasikana wangu akangouya nemwana uyu ari mucheche tikamurera pano.

VaSamuel vanoti madzimambo akavimbisa kubatsira panyaya yemwana uyu.

Mambo Nyoka vakataurwawo navo neKwayedza panhare vakati: “Ichokwadi, tine nyaya yakadaro kuno, ine chekuita nechivanhu. Mwana uyu takataura naye, akatiudza mashoko anotyisa ane chekuita nechivanhu. Isu taifunga kuti mumbomira kuburitsa nyaya iyi, sezvo tiri mubishi kutsvaga nzira dzekubatsira nadzo mwana uyu pachivanhu toita kuti anosanganiswa nasekuru vake vanonzi vari kuChipinge.

“Tinoda kumuchengetedza kuti asarwiswe nevanhu nekuda kwezviri kuitika izvi,” vanodaro Mambo Nyoka.

VaChamunorwa (60), avo vanova muzukuru wemhuri iyi vanoti nyaya yemwana uyu yavashaisa zano.

“Nyaya iyi yaitaurwa nemukuru wekuchikoro kwaanopinda. Sekuru vedu vaanogara navo VaSamuel vakatoenda kuchikoro vakanoudzwa zvose, izvo vamwe vabereki vave kutya kuti vana vavo varambe vachipinda pachikoro ichi,” vanodaro.

VaEdmond Mhuru (71) vemunharaunda vanoti mwana uyu anogona kunge achitambudzwa nemweya wetsvina.

“Inyaya yakabva kuchikoro ichitaurwa nevadzidzisi nevana vechikoro kusanganisa VaMapuranga mukuru wechikoro. Isu haana kumbobvira akaita izvi tichiona, anoti sekuru vake vari kuChipinge avo asina kumbobvira akaona ndivo vanomuita kuti adaro,” vanodaro VaMhuru.

Vopa mafungiro avo panyaya iyi, Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti mwana uyu anofanirwa kuendeswa kudzinza rake kuti dambudziko rake ripere.

“Mwana uyu ngaaendwe naye kuchivanhu kana kumaporofita mweya uyu umbodzikamiswa. Ngavatsvage kumusha kwake vamuendese,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaMapuranga avo vanove mukuru wechikoro cheMasasa Primary zvose nemukuru wezvedzidzo mudunhu reMashonaland East, VaChristopher Chihota, nezvenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links