Vana vopihwa mabhezari

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Vana vopihwa  mabhezari

Kwayedza

SANGANO rakazvimirira reRose Opharn Ministry riri kubatsira vana vanoshaya — zvikuru vari munzvimbo dzakasaririra – nemabhezari ekuti vakwanise kudzidza kubvira padanho repuraimari kusvika sekondari.

Mutungamiri wesangano iri, Mai Lorraine Mhizha, vanoti kubatsira kwavari kuita kunobva mumakuriro avakaita sezvo vaiona ambuya vavo vachibatsira vana vanoshaya vemunharaunda yavo kuburikidza nekuvabhadharira mari dzechikoro.

“Kubatsira kwangu zvakabva mukukura kwandakaita ndichiona ambuya vangu — Rose Unzemoyo — vaibatsira vana vanotambura munzvimbo yeRusitu Valley, kuChimanimani. Ndakatora ruoko rwavo kubva pavakashaya — kubvira gore 2016 kusvika pari zvino ndine vana vari pazvikoro 15 kumativi mana enyika avo vandiri kubatsira nemabhezari kubudikidza neNegona Foundation,” vanodaro. Vanoti nzvimbo dzine vana vavari kubatsira nemabhezari dzinosanganisira Rusitu, Mutoko neZaka, kuMasvingo.

Mai Mhizha vanoti dambudziko guru ravari kusangana naro nderekuti vamwe vevana vavanobatsira havana magwaro ekuzvarwa izvo zvinoita kuti vasangane nezvimhingamipinyi kana vave kuda kunyora bvunzo sedzeGrade 7.

“Sesangano, tiri kunyanya kubatsira zvikoro zviri munzvimbo dzakasarira kumaruwa asi dambudziko guru ratiri kusangana naro nderekuti vamwe vana havana magwaro ekuzvarwa. Vamwe vacho vanogara nanaambuya vachembera uye vasingachakoshese dzidzo. Vamwe vana vanorovheswa chikoro vachiendeswa kuminda nekuita mamwe mabasa epamusha,” vanodaro.

Mai Mhizha vanoti rimwe dambudziko riri kusangana nevana vavari kubatsira ndere nzara izvo zvinoita kuti vamwe vapedzisire vorovha kuchikoro.

“Takamboita mwana watakawanisa bhezari takazoshedzwa kuchikoro kwaaipinda tikaudzwa kuti akange asiri kuenda kuchikoro. Takaenda kumba kwavo tichida kuti tiite tsvakiridzo, mwana uyu akataura kuti aiva asingakwanise kuenda kuchikoro nekuda kwenzara.

“Akati anodya kamwe chete pazuva munguva dzemanheru zvinova zvakaita kuti tipinde muzvikoro tichitsigira chirongwa cheHurumende chekupa vana zvekudya tichibatsirwa nekambani yePioneer Seed iyo inotipa chibage,” vanodaro Mai Mhizha.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>