Vana votongwa nenyika mbiri

10 Dec, 2015 - 17:12 0 Views

Kwayedza

HUNHU hwavana hwataika, hwadyiwa nembwa. Nokuti takabvuma kodzero dzinoti kana mwana asvitsa makore gumi namasere anenge chave chigondora, zvokuti kutadza kutunga hurema hwacho.

Vana vave kurerwa neInternet nezvavanowana pama“satellite dish” paTV. Nhasi mumba mukashaikwa DStv, kana kuti mwana akasave ne“smart phone” anopinza mubereki basa achiti vane utsinye. Nokuti izvi nhasi zvakosha kupinda sadza rinogutsa dumbu.

Kana kusanaya kuri kuita mvura vamwe vavo havana basa nazvo. Zvinotovapa mukana wokutambanuka vachifara. Zvowedzerwa nokuti zvikoro zvakavharwa. Vamwe vabereki vari kugara neshumba mudzimba, vana “Cecil the Lion” chaivo, vachifunga kuti vana!

Hazvina kuti musikana, kana mukomana. Kurasika kwacho kumwe chete. Wozozvifunga kuti ivava kuma1960 nokuma1970, vaigona kuziva kuti vakadzvinyirirwa here, uyewo kuti nyika ngaisunungurwe kubva kumabhunu. Ivo vachitonzwa kuti hunhu hwavachena vacho ndihwo hunoendeka, zvokuti zvakaitwa namagamba akarwa hondo zvaive zvemanha-manga. Vairwira nyika vachisiya mafaro! Kupengaka-a uku, vanodaro vamwe vavo.

Musi woMuvhuro mapepanhau akatakura nyaya inorwadza, yaKudakwashe Ashley Sibanda, mukomana womuguta reGweru ane makore 19, uyo akabaya amai vake rushanu nebanga, achibva akiira chitunha chavo mumba, kwave kuba mota yomuchakabvu akati mafaro omuHarare muchandiona.

Ari kumhanyira kumafaro kudaro, akatsika munhu muNorton, akati regai vakafa vachemane, isu ngatiende kwazvakarehwa, kuHarare kwavasingarari namafaro.

Asi, hapana chisingaperi. Haana kuziva kuti mwena unotsindirika, zvokuti kunyora kwandiri kuita kudai, Kudakwashe ari muchizarira, akatarisana nemhosva mbiri dzokuuraya vanhu vaviri, nedzimwewo.

Kangoma karirisi ndiko kaparuki. Zvanyanya! Sezvandataura, hazvina mukomana, kana musikana. Vose vave kungoda zvokufara, zvokuti vabereki namaticha ngavasunge dzisimbe. Vanotsvaga mafaro, imi vabereki muri mushishi kutsvaga kuti vangararame sei.

Zvazvave nhasi uno, hazvichisina kuti vana vanonzi vomunyika, kana vanoenda kuchechi. Vangofanana vose semandimu (lemons), mabhinya chaiwo.

Ukaona mazera iwaya achienda kumafaro kunotorwa zvinodhaka, vachitamba vakangopfeka nguo dzomukati chete kana kuti vari musvo chaiwo, woziva kuti Sodhoma neGomora zvavemo muno, kana kutoti wave mucherechedzo wokudzoka kwaMambo Jesu Kristu.

Unozvibvunza kuti idzo mhepo dzamonera vana kudai dziri kubva nokupi: kumabvazuva, madokero, kuchamhembe kana kumaodzanyemba? Zvauya sei?

Mutsvagurudzo munyori akasangana nenyaya yokuti izvozvi zvokuda zvechiRungu, muchitiza zvenyu muchiti zvakasara shure senhembe, ndizvo zvapinza dambudziko mudzimba zhinji. Nyaya yokusada kusarira yaita vana mazungairwa.

Zvimwe zvemhiri zvatinomhanyirira zvinouya nemhepo dzazvo. Vaimbi vazhinji vokunze vanofarirwa navana vanoimba vakashama uyewo vanotora zvinodhaka. Kwavari ndizvo zvinovapa mbiri. Asi vedu vanongozotevedzera kuti vanzi varimowo.

Ndakarohwa nehana kunzwa kuti mumwe muimbi ane mbiri, Lady Gaga (Stefani Germanotta), akagadzirisa mafuta anonhuhwirira (perfume) yakasanganiswa neropa romunhu nembeu yomunhurume. Perfume yaLady Gaga inonzi Fame, vamwe vanhukadzi vari kuishandisa – vakuru navadiki uyewo inotengwa nemutengo wapamusoro.

Imwe website NaturalNews yakanyora mugore ra2012 ichiti: “If you have ever doubted the truly satanic essence of the infamous Lady Gaga, then you need look no further than her new perfume, which is expected to debut this fall. According to the Boston Globe and various other sources, the new Gaga scent, known as ‘Fame’, was created using a sample of Gaga’s own blood, as well as semen from another unknown donor. The blend apparently also contains a highly-toxic plant extract that is known to kill humans.”

Muna 2011, Lady Gaga akabvuma akati: “It was taken out of my own blood sample, so it’s a sense of having me on your skin. I wanted to extract sort of the feeling and sense of blood and semen from molecular structures . . . that is in the perfume, but it doesn’t smell like that. Actually, the perfume smells like an expensive hooker (pfambi).”

Ndidzo dzimwe mhepo dzapasi rose dziri kufamba dzakaberekwa navanhu vachiti vari kushandisa OG perfume, asi, vachizopedzisira vave kuita zvinhu zvisinganzwisisiki. Kana makati mhepo dzenyu muno madhimoni, hedzo-o dzaana Lady Gaga navamwe vazhinji vemhiri vatinonzwa kuti vanoita mabasa echi“satanist”!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey