vanhu 23 vakachekereswa vopfuka

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
vanhu 23 vakachekereswa vopfuka

Kwayedza

Liberty Dube —
MWEYA yengozi yevanhu 23 avo vanonzi vakapondwa kare-kare nevanhu vakasiyana vane mabhizimisi — nhengo dzemiviri yavo ndochekwa dzikashandiswa mukuchekeresa nechinangwa chekuita mari —yomuka chibhebhenenga ichipfuka mumhuri dzakasiyana mudunhu raMambo Saunyama, kuNyanga.

Kubva mumwedzi waNdira gore rino, pane mitambo inodarika mishanu inonzi yaitwa mudunhu iri nechinangwa chekuchenura mimwe yemweya yengozi mushure mekunge yafurufusha dzimwe mhuri.

Panotova nen’anga, Shingirai Mukotsanjera, iyo iri kushandira mudunhu iri ichibatsirana nevatungamiriri vematunhu veko mukuzama kupedza mimwe yemweya yengozi iyi uye inoti mimwe mitambo yerudzi urwu inosvika 20 ichaitwa gore rino risati rapera.

Nguva yadarika, pane mutambo wakaitwa kuVillage Eight, kuNyajezi Resettlement Scheme, uko mhuri yekwaSamungure yaichenura mweya waEva Mandikwaza, uyo ari kunzi akapondwa mugore ra2004.

Sezvinobuda pamweya wengozi, Eva anonzi akapondwa nemumwe wemumhuri yekwa Samungure achibatsirana nemumwe wake, mushure mekunge vanzi nemumwe muzvinabhizimisi wemunzvimbo iyi (zita tinaro) vauraye munhu, votora nhengo dzake dzemuviri idzo aida kushandisa kuti bhizimisi rake rechitoro nechigayo riite mari.

Vaviri ava vanonzi vakacheka rurimi, zvigunwe, mazamu, chibereko nehuropi zvaEva mushure mekunge vamuponda uye vakanwa ropa rake ndokuzoita bonde nechitunha chemushakabvu.

Vaviri ava vanonzi vakapa nhengo dzemuviri dzavakange vacheka pamukadzi wavakaponda kumuzvinhabhizimisi aizvida uyu.

Mukotsanjera akataura nemweya waEva vatori venhau varipo.

Mune imwezve nyaya yengozi idzi, Gift Jonasi – uyo mweya wake unonzi uri kupfuka kumhuri yekwaMuche – anonzi akapondwa muna 2000 nemurume nemukadzi vemumhuri iyi (mazita tinawo).

Mweya wemushakabvu uyu unoti uri kuda kuchenurwa nemombe dzinodarika shanu pamwe chete negirosari.

“Ndakaurayiwa nevemhuri yekwaMuche muna 2000. Ndaive nherera uye ndaigara navo. Vaindirova nekundibata huchapa.

“Rimwe zuva ndakaba maputi eshamwari yangu kuchikoro sezvo ndaive nenzara, maticha ndokuudza nyaya iyi kuvanhu vakazondiuraya izvo zvakaita kuti vandirove kusvikira ndafa. Ndicharamba ndichikonzeresa minyama nenyonga-nyonga mumhuri yekwaMuche kusvikira vachenura mweya wangu nemombe,” wakadaro mweya waJonasi apo waive wakabata pane mumwe wemhuri yekwaMuche.

“Mhuri yekwaMuche yakabvuma kuti vakapara mhosva iyi uye kuti vari mushishi kutsvaga mombe dzekuripa ngozi iyi saka takamirira kunzwa kubva kwavari,” anodaro Mukotsanjera.

Vatori venhau vakaziviswa zvakare kuti Simba Mashabangani anonzi akapondwa mugore ra2000 nemumwe wemumhuri yekwaMutandakamwe (zita tinaro) mushure mekunge vanetsana mubhawa kuBulawayo.

Mweya waMashabangani unoti vedzinza rake vari kunyika yeSouth Africa uye unoda kuti mhuri yekwaMutandakamwe iturike zita rake pane mumwe wevana vavo vacheche pamwe nekumuvakira musha.

Mweya uyu unoti zvakare unoda kuripwa nemombe negirosari.

Nguva pfupi yadarika, mweya waPaida Samanyika – uyo anonzi akazviuraya mushure mekurambwa nemukoma nemunin’ina vekwaDodzo avo vaaidanana navo vose – wakachenurwa.

Nyaya iyi yakaitika muna 2004. Mweya waPaida unonzi wanga uchibuda pamumwe munhukadzi wemumhuri yekwaDodzo. Paida anonzi akazviuraya nekunwa muchetura. Mweya wake wakachenurwa nemombe 10 ne$300 pamusoro. Mune imwewo nyaya, mweya wechizvarwa chekuMozambique – Peter Zhuwawo – uyo anonzi akapondwa nemukadzi nemurume vekuNyanga – vemhuri yekwaRuwende neye kwaDoto, vachida kuti bhizimisi ravo ribudirire, unonzi hausati wawana zororo.

Kunyangwe zvavo mweya uyu uchibudira pamudzimai waZhuwawo – Maggie – uye uchinzi wakambochenhurwa nemhuri yekwaDoto mushure mekunge wauraya vanhu 10, uri kunzi uchiri kunetsa mumhuri iyi.

Mweya uyu unonzizve hausati wachenurwa nemhuri yekwaRuwende nekudaro une hukasha.

Murume ava mushakabvu, uyo anongodurwa nemweya uyu saWilson, ndiye anonzi akaronga kupondwa kwaZhuwawo nechinangwa chekumuchekeresa munyaya dzemabhizimisi.

Mudzimai wake anotsinhira nyaya yekuponda iyi achiti akaperekedza murume wake kuSouth Africa uko vaida kunopa imwe n’anga nhengo dzakavandika dzaZhuwawo dzavainge vacheka kuti bhizimisi ribudirire.

Anoti vakauraya Zhuwawo vachida kumuchekeresa mubhizimisi ravo rechitoro nechigayo, asi hazvina kuzofamba sehurongwa hwavo.

“Mhuri yekwaRuwende iri kuita zvedambe neni. Ndichakonzeresa zvakawanda kana vakanonoka kuchenura mweya wangu. Ndinoda mombe ne$400,” unodaro mweya waZhuwawo uchitaura pane Maggie.

Mukotsanjera anoti mweya yevanhu vakafa nekupondwa inobuda pose panoitwa mitambo yekuchenura vanenge vakafa nenzira iyi.

Anopa mhuri inenge ichichenura mweya wemushakabvu nhumbi tsvuku dzekupfeka pamitambo iyi.

Vakafanobata chigaro chaMambo Saunyama vanoti: “Mukotsanjera ari kuita basa guru rekudzikamisa mweya yengozi, iyo inogona kunge yakonzeresa ndufu dzakawanda neminyama mumhuri idzi. Takamutsvaga mushure mekunge taona mudare rangu mazara nevanhu vaida rubatsiro pamusoro penyaya dzengozi.

“Ndinofanira kutaura pachena kuti mushonga wengozi kuiripa, nekudaro tinoda kukurudzira vose vane chekuita nenyaya dzekuchekeresa kuti varipe ngozi idzi.” Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luckson Chananda, vakaudza Kwayedza kuti vanoda nguva yekuongorora kuti nyaya iyi iri kufamba sei.— The Manica Post.

Share This:

Sponsored Links