Vanhu 27 vafa

14 Sep, 2018 - 18:09 0 Views
Vanhu 27 vafa Dr Obadiah Moyo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HUWANDU hwevanhu vafa nechirwere checholera kusvika nemusi weChishanu chino hwave pa27 zvichitevera kufa kwevamwe vanhu vaviri.

Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vari kutenda mapoka ose ari kubatsira mukurwisa kupararira kwechirwere chemanyoka ichi.

“Nhasi (Chishanu 14 Gunyana) kwafa vanhu vaviri, saka huwandu hwawedzera kuenda pa27 huchibva pa25 vanezuro. Tiri kuona shanduko mukurwisa chirwere checholera apo tiri kugadzirisa nyaya dzekuwaniswa kwemvura yakachena kuvanhu, kuwaniswa kwemishonga pamwe nekuona kuti vatengesi vechikafu panzvimbo dzisina kukodzera vambomira kuita izvi sezvo zvichikonzera kupararira kwecholera,” vanodaro Dr Moyo.

Share This:

Sponsored Links