Uncategorized

‘Vanhu voti ndamera muswe’

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Vanhu voti ndamera muswe’

Kwayedza

MURUME wekuChimanimani ayaura nezibundu riri kungokura padivi redumbu rake iro anoti vamwe vanhu vemunharaunda vari kumuseka vachiti ari kumera muswe nekuti akaba mombe.

Anoti zviri kutaurwa nevanhu vanoziva dambudziko rake izvi handi chokwadi — “nekuti handisi mbavha”.

VaMartin Muchawaya (43), avo vanogara mubhuku raGumise, kwaMutambara, vane dambudziko rechinyama chiri kumera padivi redumbu ravo asi vamwe vanhu vemunzvimbo yavo vanovaseka vachiti vamera muswe.

“Izvozvi handichakwanisa kufamba nekuda kwevanhu vanoti vakandiona unonzwa vachiti ‘ndiye wemuswe, ndiye wekumera muswe’. Vanoti ndakaba mombe izvo zvakonzera izvi asi handizvo.

“Iyi inyama yandiri kumera uye zvakatanga kare ndiri mudiki. Nditori mutungamiri muno, ndinoremekedzwa zvikuru uye ndinotodawo kubatsirwa zvamunoona kudai,” vanodaro VaMuchawaya.

Vanoenderera mberi: “Chinyama chakura kudai ichi kakatanga kari kabundu. Ibundu rine kamuromo kane ronda ako kanobuda mvura neropa nguva dzose.

“Ndinorwadziwa zvikuru — zvekutotadza kushanda zvekuti handichakwanisa kusevenzera mhuri yangu nekuda kwebundu iri.”

Bundu iri vanoti rinorwadza zvikuru munguva yechando uye havakwanise kugeza nemvura inotonhora sezvo nyama iyi ichigumisira yovarwadza zvakanyanya.

VaMartin Muchawaya

“Izvozvi padivi penyama iyi pakamerawo kamwe kapundu kari kukura zvishoma nezvishoma. Ndave kutotya kuti kachakura zvakare kusvika pakasvika riripo iri.

“Ndakaroora mudzimai wangu, Ndaizivei Bandera (41) uye tine vana vasere avo ndave kutadza kuriritira nekuda kwechirwere ichi. Ndinofanirwa kunge ndichirarama nekurima.”

Murume uyu anoti aneta nekufamba achitsvaga kubatsirwa kuzvipatara uko kuri kudiwa $7 000 yekuti avhiiwe inova mari yaari kushaya.

VaMuchawaya vanoti vapedza kutengesa zvipfuyo zvavo zvinosanganisira mombe, mbudzi, makwai nehuku vachitsvaga kupona.

“Ndapedza zvose kubvira kun’anga nemaporofita kana kuchipatara asi hapana chabatsira. Vana vangu vave kuziya nenzara nekuti ini baba handichakwanisa kushanda.

“Vose vana ndinavo pamusha kubva wekutanga wegore ra1999 kusvika pane wekupedzisira ane masvondo maviri okuberekwa. Chikumbiro changu chava chekuti ndinodawo kubatsirwa neruzhinji rweZimbabwe,” vanodaro VaMuchawaya.

Murume uyu anoti kune mashoko ari kufamba semoto wesora munharaunda yaanogara anoti akamera muswe mushure mekunge aba mombe.

“Ndava kuzeza kufamba muruzhinji nekuda kwenyaya iyi nekuti muno mashoko akazara ekuti ndamera muswe. Imi mazvionera kuti mashoko aya manyepo. Imi ndimi muchaita kuti ndibatsirwe,” vanodaro VaMuchawaya.

Verenga nyaya iyi zvakare:
‘Igomarara, kuroyiwa, chipotswa’

Murume uyu anoti vemhuri yake — kusanganisira vabereki vake — vaedza kubatsirana naye asi zvichiramba.

“Muno tine vatungamiri vakavimbisa kundibatsirawo pakuti bundu iri rivhiiwe avo vanosanganisira Cde Joshua Sacco nevamwe,” vanodaro.

Cde Sacco ndivo vakahwinha musarudzo dzeZanu-PF dzemaprimaries vakamirira Chimanimani uye vachakwikwidza vakamirira bato riri kutonga musarudzo dzenyika dzevamiriri vedare reParamende idzo dzinotarisirwa kuitwa munguva pfupi iri kutevera.

Munin’ina waVaMuchawaya, VaJohn Munyebvu (44), vanoti vari kumira nemukoma wavo vachiedza kuti arapwe.

“Mashoko ekuti akamera muswe nenyaya yekuba mombe anotaurwa asi handizvo, mashoko ekushora nekutuka kumunhu anenge achirwadziwa,” vanodaro VaMunyebvu. Cde Sacco vanotiwo dambudziko remurume uyu rakasvika kwavari uye vakazvipira kumubatsira kuti anorapwa.

“Muchawaya ndakamuona tiri pamusangano mushure mekunge ndakataurirwa nezvedambudziko rake, ndikaona nyama yave kubuda iyi. Tinoda kuti tibatane pamwe chete sevagari vemuno tobatsirana naye kuti anorapwa, avhiiwe bundu iri,” vanodaro.

Vanoda kubatsira VaMuchawaya vanokwanisa kuvabata panhare dzinoti 0784 660 838, 0771 676 518 kana 0782 347 248.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey