‘Vanhukadzi musimboti wemisha’

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views
‘Vanhukadzi musimboti wemisha’ DR AGNES MAHOMVA

Kwayedza

MADZIMAI anokurudzirwa kuchengetedza hutsanana hwemhuri dzavo mudzimba pamwe nekuita mabasa emawoko, izvo zvinoita kuti vave nepundutso muupenyu.
Vachitaura vari mumusha weGlen-Norah muHarare, pagungano remadzimai iro rakarongwa nekambani yeUnilever pasi pedingindira rinoti ‘’Geisha musha mukadzi’’, mutevedzeri wegurukota rezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Abigail Damasane, vakati vanhukadzi ndivo musimboti wemisha.

“Isu tiripo kukwidziridza madzimai pane chero chinokwaniswa kuitwa nemudzimai kuti ararame zvakanaka nemhuri. Izvi zvinogoneka kana mudzimai achigona kubata mhuri yake zvakanaka, zvine utsanana.
“Zvakare tinofanira kuziva magezero nemapfekero semadzimai zvekuti murume anozvirova dundundu kuti ndine mudzimai mumba.

“Vana ngavabatwe zvakanaka uye tisaite husimbe, kumirira kuitirwa nevashandi nguva dzese,” vakadaro Mai Damasane.

Vakakurudzira madzimai kuti vasiyane nekuitirana godo kana mumwe ava pachinzvimbo chiri nani, zvinova zvinoita kuti vasasimukire pane zvose zvavanenge vachiita.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Unilever marketing manager Southern Africa, Mai Juliet Ziswa, vakati sekambani, vanofara kuona zvigadzirwa zvavo zvichifarirwa neruzhinji, kuburikidza nekuchengetedza hutsanana.

“Chiitiko chatinacho nhasi ndechekupemberera madzimai nekugona kumira nemhuri dzavo mukuchengetedza hutsanana. Tinozviziva kuti mabasa ayo tinobata, ekumhanya-mhanya kuona kuti mhuri nepamba pakachena here nezvose zvinoda kuitwa, haana munhu anouya achititenda ndosaka takazoti chigodo cheGeisha hachiperi serudo rwaamai,” vakadaro Mai Ziswa.

 

Share This:

Sponsored Links