Vanhukadzi vakabatsirwa

21 Jun, 2014 - 18:06 0 Views
Vanhukadzi vakabatsirwa

Kwayedza

North Korean floods
SANGANO rakazvimirira, reThe Women Trust, rakabatana nereZimbabwe Human Rigths nereBatanai HIV and AIDS, rakabatsira vanhukadzi vekuTokwe Mukosi, kuMasvingo avo vakawirwa nedambudziko remafashamu emvura nezvekudya, zvekupfeka nezvimwe.

Director weThe Women Trust, Mai Memory Kachambwa, vakati sangano ravo rakabatana nemamwe maviri aya mukubatsira vanhukadzi sezvo vasina pekutangira zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa zvinhu zvavo nemafashamu aya.

“Isu sesangano tiri kushanda nedingindira rekuti ‘Simuka Zimbabwe’ uye tiripo kusimudzira vanhu vari munzvimbo dziri kusangana nematambudziko emafashamu neavo vanoshaya,” vakadaro Mai Kachambwa.

“Tiri kushungurudzika zvakanyanya nekuda kwekuti vanhu vakasvika pakurasikirwa nezvipfuyo nedzimba dzavo. Zvakare takaona kuti vanoda rubatsiro rwakanyanya madzimai echidiki vari kubatsirwa vana nevamwe vakazvitakura, naizvozvo takavabatsira nezvekudya, zvekupfeka, magumbeze, sipo nezvimwewo zvinodiwa zuva nezuva,” vakadaro Mai Kachambwa.

Vakati vane chirongwa chemamobile clinics icho chakananga kubatsira vanhukadzi.
Vakakurudzira vanhurume kuti vasimudzire vanhukadzi mukurarama kwavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey