Uncategorized

Vanhukadzi vemuZim vakadadisa

26 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

ZIMBABWE yakaonekwa iri pamusoro munyaya dzekurwira kodzero dzevanhukadzi mumakwikwi enyika 15 eRegional Sadc Protocol, ayo akarongwa nesangano reGender Links and the Alliances nguva pfupi yadarika.
Chiitiko ichi, icho chakaitirwa kuSouth Africa, chakapindwa nevanhu vanodarika 400 kubva kumapoka akasiyana akaita sehurumende, masangano anorwira kodzero dzevanhukadzi pamwe nevemakereke.

Gurukota rezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Oppah Muchinguri, vakati vanonzwa manyuku-nyuku nekukunda kwakaita Zimbabwe kumakwikwi aya.

“Vanhukadzi vakadadisa, vamwe vakapihwa mibairo vanosanganisira Rumbidzai Muparutsa, uyo anova Junior Mayor wekuKadona akataura nezvekodzero dzevanhukadzi akatora mukombe wekutanga pamwe neMsasa Project.

“Emilda Dzigagwe, uyo akambosangana nekushungurudzwa asi ava muzvinabhizimisi, akatora zvakare mukombe mushure mekunge apupura mararamiro aaita nepaave iye zvino,” vakadaro Cde Muchinguri.

Rimwe sangano rakakunda mumakwikwi aya ndereWomen in Politics rekuBulawayo.
Cde Muchinguri vakati Hurumende icharamba ichipa vanhukadzi mikana yekuti vasimudzire upenyu hwavo pamwe nekurwisana nemhirizhonga.

“Naizvozvo mikombe yatakahwina iyi ichaita kuti tirambe tichishinga mukurwira kodzero dzedu. Iye zvino tiri mushishi kugadzirisa yatinoti Gender Commission iyo ichange ichiona pamusoro pekuzadzikiswa kwezviri kushuvirwa nevanhukadzi ichiita kuti mitemo nemagwaro kubva mubumbiro remutemo wenyika zviri pamusoro pevanhukadzi zvinge zvichizadzikiswa,” vakadaro Cde Muchinguri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey