Vanhukadzi vokurumbira mukurima

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Vanhukadzi vokurumbira mukurima

Kwayedza

VANHUKADZI vane chitsama vari kuratidza kubudirira zvikuru munyaya dzekurima uye kuchengetedzwa kwezvipfuyo apo vari kutsigirwa nesangano reUSAID pasi pechirongwa cheZimbabwe Agricultural Competitiveness Programme (Zim-ACP).

Vachitaura pagungano ravakaita nevarimi vakabva kumatunhu akasiyana munguva pfupi yadarika, executive director wesangano reZimbabwe Farmers Union VaPaul Zakaria vakati varimi vanoda rutsigiro rwemari, zvekushandisa uye ruzivo kuti vange vachibudirira.

“Isu tiri sangano rinomiririra varimi vari mumapoka akasiyana uye kubva kugore ra2009 kusvika 2014 takange tiine varimi 220 000 vakanyoresa nesu, huwandu uhwu huri kuramba huchikwira. Chakakosha kuti varimi vange vachitsigirwa zvakanyanya nezvekushandisa uye ruzivo maringe nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze nekuchengeta zvipfuyo zvinoita kuti vawane mari apo vanotengesa nyama yakanaka kune vemabhucha nezvimwe,” vakadaro.

Vanoti kurima kwakanaka kunoita kuti varimi vemuno vave nekudyidzana nedzimwe nyika mumabhizimusi ekutengeserana.

Murongi kuZFU ari zvekare Gender, HIV and AIDS Coordinator, Lilian Kujeke-Goliati, anoti chikamu che70 percent ndechevarimi vechidzimai vakanyoresa nesangano ravo zvisinei nekuti havasi kuwana rutsigiro rwakakwana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey