Vanomuda vakawanda ufunge

17 Jul, 2014 - 15:07 0 Views
Vanomuda vakawanda ufunge

Kwayedza

CHIIKO chiri kumboitika nerudo munyika yerudo? Ndasvika paJoina City nguva dzave kuma quarter to tsvaa. Ndanzwa tsitsi nemusikana wandaona akamira nemadziro, achicheuka-cheuka kumativi ese zvekuratidza kuti ari kutsvaga munhu. Ndaona achizama kufona, asi ndinofunga nekuda kwekuti ambenge afona kakawanda, abva aregedza.

Vakomana musadaro vasikana ava, kune vamwe vari kutovashayira hope. Musakanganwe kuti Leonard Dembo akati, “Vanondida vakawanda wena, unozviziva ndinoswera ndaenda.”

Kana mapanana nguva dzekuonana, ngadzichengetedzwe, nekuti izvozvo zvekusakoshesa nguva zvinogona kutorwa nemumwe wako sekuti hausi kumukoshesa, saka hausi serious!

Ndangozosiya musikana uye, musikana murefu akati twi kunge bango remureza achidzungudza musoro nekutura befu. Neniwo ndamubatsira kutura befu, nekuti ndinoziva kurwadza kwazvo, kana iwe wakaperera, asi mumwe wako achitokuona kunge katuni kana firimu yemapopayi.

Ndapinda mukati meJoina, ndikasvika munoitwa zvemakombiyuta. Ndakamirira chijana changu chekuti ndibatsirwe, ndanzwa tsitsi. Pane mukomana anga akagumbata zvekupererwa. Anga achida kutochema, asi anga achizvisimbisa. Anga achitsanangurira mumwewo musikana zvaari kuitwa nemusikana wake waasisina chokwadi kuti achiri musikana wake here.

Mukomana uyu anga achiti akadzoka kubva kuCanada achifara nekutarisira kuzotambirwa nekufarirwa nemusikana wake. Asi ari kuti kubva paakadzoka, musikana wake ari kungomushayira nguva nerudo chairwo.

Zvanzi nemukomana wekubva mhiri uyu, “Pafunge zvako, munhu kungondibvunza zvakaneta kuti wakasvika riinhi?

After that obva atongonyarara. Kana kumbondibvunzawo kuti wakadii zvako, ikoko kwanga kuri sei, tichaonana riinhi?”

Mukomana wekubva mhiri, pamwe chete nemusikana waanga achiudza vazongowirirana kuti chokwadi chaicho ndechekuti rudo rwakapwa setsime raJames Chimombe. Mukomana anga achida kuchema nekuti anga achiti anga ave nepfungwa dzekuda kuroora. Iko zvino ave kutanga zvakare kutsvaga musikana wekupfimba nekuzivana naye, asi anga achiti pamwe hazvikurumidze kuita nekuti vasikana vacho angove mashaki ega ega. Ndamunzwira tsitsi.

Pandanga ndave kubuda muJoina, ndashamisika nevamwe amai vechikuru vanga vakakwatidzirana mukona nekakomana kangade kuita zera remwana wavo.

Vanga vachidanana, asi vachitadza kuwirirana pamusoro pechimwe chinhu chandisina kuziva kuti chii. Kakomana aka kanenge kanga kachiedza kusofta mai vaye.

Ndatya nekushaya matyira kwekakomana aka.

Ndafunga mwana wangu Samere ndikati, kana ndikamuona akamira nechembere yakadai ndinoita sei? Ndinoenda kunomhan’ara kumapurisa kuti vakadzi vakadai vasungwe nekuti vari kubatira vana. Uku ndiko kubatwa kwiyo nagogazi kwakataurwa naFranco Hodobo.

Ndichifunga nezverudo kudai, ndabva ndagashira WhatsApp yabva kumuzukuru wangu akarambwa nemurume.

Murume wake akangomupomera mhosva yekusavimbika. Asi muzukuru wangu ari kuti sekuru, dai paine pandakabatwa nemurume wangu ndichiita zvinhu zvisina musoro, ndaigona kubvuma, asi handina mweya kana pfungwa dzechipfambi.

Saka WhatsApp yemuzukuru wangu yanga iri yekuti, “Ndambozama kunyengerera nekumirira kuti murume wangu adzoke, asi ndaneta. Ndinofunga kuti ndichisiyana nazvo ndipfuurire mberi nehupenyu hwangu. Ndingaitei nemunhu anyatsoratidza kuti haachada kugara neni?”

Zvanzi nemuzukuru wangu, “Ndakawana Jesu kuchechi. Jesu haandipedzere nguva. Jesu haandimisire mahara.

Haandivimbise denga rese akasandipa, nekuti denga racho nderake, keke remuchato nemuchato wacho ndezvake.”

Ndizvozvo, Mwari havafarire kurambana, uye vanhu kana muchidanana, dananai nerudo chairwo!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey