Vanondida vakawanda, ndinoswera ndaroorwa

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
KAZHINJI, kana mukadzi achinge afirwa nemurume wake, haana hunhu hunowanzoitwa nevarume hwekuti anobva atsvaga mumwe murume wekuti amuroore. Varumewo kazhinji kana vafirwa havatore nguva refu vasati varoora zvakare. Asi mukadzi haakwanise kudaro nenzira iri n’yore. Nyangwe zvazvo Gire wemuchimbo chaDembo achiti, “Vanondida vakawanda wena, unozviziva ndinoswera ndaroorwa,” kuroorwa hakungoitika zvekumhanya nekuti vanoroora vanogona kukumisa mumutsetse unenge webhengi, vozokushayisa maBond.

Mukadzi anowomerwa nekuroorwa patsva nekuti paanoroorwa, anobva kumusha kwavo achinogara kumusha kwemurume.
Kana akachata anobva asiya zita rekumusha kwavo achitora rekumurume.

Saka mukadzi anorasikirwa nekumusha kwake, uye agorasikirwa nezita rekumba kwavo. Kana achienda kumusha kwavo, anotoendako semushanyi uye akagarisa kumusha kwake, variko vanomubvunza kuti achadzokera kwake riinhi nekuti vanenge vachiti haasisiri wavo.

Mukadzi kana achinge aroorwa akaita vana, vana vaanenge abereka havasi vake asi ndevedzinza remurume.
Mukadzi akafirwa haatakure vana vake achienda navo nekuti vana ava vari pamusha pavo. Mukadzi akafirwa asi anga aine vana, anotarisirwa kuti achengete nekukudza vana vake ari pamusha paakasiiwa nemurume wake.

Nyangwe asara nevana pamusha pemurume wake akafa, mukadzi afirwa haatarisirwe kutorerwa minda kana zvinhu zvaakanga achishandisa pamwe chete nemurume wake asati afa. Kana akada kuroorwa zvakare, anotarisirwa kuti abve pamusha pemurume wake wekutanga, achinotanga musha mutsva nemurume wake mutsva.

Vanhu vedu vanoti, “Musha mukadzi.” Chirevo ichi hachireve chinhu chimwe chete, asi zvakawanda. Kuti musha unzi musha unogarika — zvinobva pamukadzi anochengeta musha nekudzidzisa vana.

Kuti musha unzi musha, mukadzi anenge abereka vana uye pasina vana rudzi harukure.
Musha mukadzi nekuti vakadzi vanotsigisa musha.

Kazhinji varume vanoda mukadzi anovadzora nekuvabatsira kuti vasarasike sebasa rakapihwa Eve kuna Adam naMwari.
Murume anobva kumba kune mukadzi kazhinji anoonekwa nekushambidzika nekutaridzika zvakanaka pane murume asina kuroora.

Shirikadzi dzinotaurwa zvikuru nyangwe neBhaibheri.
Vakadzi kana vachinge vafirwa, havarerukirwe nehupenyu nekuti kazhinji vanosiiwa vaine vana vekuchengeta.
Kazhinji vakadzi vanoshingirira kusaroorwa kuti vachengete vana nekuti vanoziva kuti varume vazhinji havadi kuchengeta vana vemumwe murume.

Haisi nyore kuti munhukadzi anga akaroorwa akafirwa nemurume agoenda kunotanga kuita huroora, agoperekwa zvakare, agotanga kuzivana nekujairirana nehama dzemurume mutsva. Haisi nyore kunotanga hupenyu hutsva mumusha mutsva nemunhu mutsva navamwene vatsva.

Shirikadzi dzinonyanya kuzivikanwa mukugara kwedu nekuti dzine mwoyo inenge yehuku yakararira mazai.
Huku yakararira mazai inokanganwa kuti kunze kune hwiza nemakonye anogutsa, inokoshesa mazai ayakararira.
Asi zvakadaro, Bhaibheri rinokurudzira kuti shirikadzi dzinzwirwe tsitsi nekuda kwekuti hadzina kurerukirwa nehupenyu.

Varume vanenge vafirwa vanogona kuroora asi kashoma kuti vafunge vana vavo nenzira inoita shirikadzi.
Zvakarewo, varume vanoshandisa simba ravo kuti zvinhu zviite sekuda kwavo, asi vakadzi havakwanise kudaro.
Vamwe vakadzi kana vafirwa vanojoborwa sechingwa nehama dzemurume zvekuti vanoshaya rugare. Varume vanozvida, uye kazhinji vanoti mukadzi akamboroorwa haaite.

Asi Mwari ane hany’a dzakanyanya kushirikadzi kana ukaverenga kuna Mapisarema 68:5.
Kana Jesu chaiye paakanga ave kufa akaziva kuti amai vake ishirikadzi akasiya ati Johani agovachengeta.
Rudo rwaJesu kushirikadzi ndirwo rwakaita kuti amutse mwanakomana wemukadzi wepaNaini.

Share This:

Sponsored Links