Vanondivanza baba vangu

05 Feb, 2015 - 16:02 0 Views

Kwayedza

KUNA tete
Ndiri murume ane makore 35 ekuzvarwa. Amai nababa vangu vakadanana munguva yehondo vakabva vaita pamuviri pangu ndokubva vangoparadzana asi vaigara padyo nepadyo. Ini ndakakura ndisingazive baba vangu nekuti amai vairamba kundiratidza.

Saka nedambudziko randaiona nemhuri yangu, mumwe mukadzi ndiye akazondiudza ndokuti ndiende kumusha kunoona hama dzangu.

Ndakaenda ndikanoona hama dzangu ndokudzoka ndikaudza amai kuti ndainge ndaonana nababa. Amai vakandiudza kuti hakuna pfuma yakabviswa nababa ava.

Ndibatsireiwo kuti ndichakwanisa kurarama zvakanaka here pane makakatanwa akadai.

Braiton Mutandagai.

Dotito,

Mount Darwin.

MHINDURO:

Dambudziko iri ratinetsa, kune vakadzi vakawanda vasingadi kuratidza vana kunana baba vavo, izvo vanenge vachitoshusha vana ivava.

Chinoitika ndechekuti munhu wega wega ane mudzimu wake. Ungachengeta mwana wako uchimuvanzira baba vake asi hapana kwazvinosvika pane kuti iwe ufambidzana nemurume wako murere vana pamwe chete.

Zano randingakupa nderokuti iwe chitaura nababa vako kuti vaende kunoroora kwatezvara.

Zvekuti vanokwanisa kuendesa pfuma shoma kana yakawanda hazvina nebasa iwe chingoona kuti baba vako vaenda kunoroora amai vako nokuti amai ava mutorwa, havasi hama yako.

Tete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey