Vanopisa masango hokoyo!

26 Jun, 2014 - 15:06 0 Views
Vanopisa masango hokoyo!

Kwayedza

MUTEVEDZERI wegurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, Retired Brigadier-General Walter Kanhanga vakakomekedza masangano anoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda kuti aone kuti vanopisa masango zvisina tsarukano varangwa zvakaomarara. Vachitaura vari kuGuruve nemusi weChipiri svondo rapera pamusangano wavakaita nemasangano anosanganisira reEnvironmental Management Agency (EMA), Rtd Brig-Gen Kanhanga vakati kupiswa kwemasango kuri kudzosera budiriro yeZimbabwe shure apo yakatarisana nekusimudzira upfumi hwenyika pasi pechirongwa cheZim-Asset.

Vakakurudzira madzishe kuti vashande nemapurisa pamwe neveEMA mukuranga nhubu dzinokonzeresa moto wesango.

“Madzishe tisu tine masabhuku uye ndivo vane vana vanotanga moto. Hakuna hutsi pasina moto, hapana moto unotanga usina chaukonzera. Sei vanhu ivavo vasiri kurangwa zvakakodzera? Ndapota shandai nemapurisa pamwe neveEMA kuti vanobatwa nemhosva varangwe zvakakodzera,” vakadaro Rtd Brig-Gen Kanhanga.

Mambo Chipuriro, VaClever Mashiri, vakati vachashanda neveEMA pamwe nemapurisa mukuranga vose vanopisa masango uye panenge pashaikwa mupari wemhosva sabhuku wenzvimbo inenge yapiswa ndiye acharipiswa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey