Varairidzi vekorfball vakapihwa zvitupa

03 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

VARAIRIDZI 16 vezvikoro zvakasiyana zvemuHarare svondo radarika vakapihwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvekurairidza mutambo wekorfball zveNASH Level One Korfball Certficate pachikoro cheQueen Elizabeth, muHarare.
Zvitupa izvi zvinobatsira varairidzi ava kuti vakwanise kudzidzisa mutambo uyu muzvikoro zvine hunyanzvi.

Varairidzi vakapihwa zvitupa izvi vaibva kuzvikoro zviri kumatunhu anoti High Glen, Glen View-Mufakose, Warren Park-Malbereign neMbare-Hatfield.

Muhurukuro nemunyori mukuru weZimbabwe Korfball Federation, Priscilla Kurebwasekwa, anoti sangano ravo rakatanga kuita zvidzidzo izvi mushure mekunge paitwa chikumbiro chakabva kusangano reNational Association of School Heads (NASH) remuHarare.

Anoti kutanga gore rinotevera, mutambo uyu unenge wave kukukwikwidzwa muzvikoro zvemuHarare saka sangano ravo richabata basa guru kuona kuti vadzidzisi vese vemutambo uyu vapihwa ruzivo rwakadzama kuti korfball isimudzirwe.

“Takakwanisa kupa vadzidzisi 16 zvitupa zvavo zveNASH Level One Coaching Certificate nekuti ndivo vakauya svondo radarika.

“Zvitupa izvi zvakakosha chaizvo nekuti zvinobatsira varairidzi kuti vakwanise kuita basa ravo vaine ruzivo rwakakwana rwemutambo uyu.

“Kutozotanga kwatakaita kupa zvidzidzo izvi inyaya yekuti takakumbirwa neveNASH vemuHarare saka isu ticharova basa sebasa mukupa zvidzidzo izvi sezvo tiri kuda chaizvo kuti mutambo uyu ugotambwe zvakasimba muzvikoro zvemuno.

“Parizvino dunhu reMashonaland Central rakatidana kuti tiende kunoitisa zvidzidzo izvi ikoko saka patichangopedza neHarare totonanga kuMash Central,” akadaro Kurebwaseka.

Svondo rino, sekutaura kwaKurebwaseka, sangano ravo richange richishanda nematunhu anoti Epworth-Tafara, Northern Central pamwe neChitungwiza.

“Kutanga kwegore rinotevera, tinotarisira kuti tichange tave kuronga mitambo yemuzvikoro zvakasiyana pamwe nemapurovhinzi,” akadaro Kurebwaseka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>