Varairidzi vemuzvikoro voita zvidzidzo zvekorfball

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Varairidzi vemuzvikoro voita zvidzidzo zvekorfball

Kwayedza

SANGANO reZimbabwe Korfball Federation svondo rino richabatana nereNational Association of School Heads mukuita zvidzidzo zveNASH Korfball Level One Coaching Course paQueen Elizabeth, muHarare.
Zvidzidzo izvi zvichatanga musi weChina zvichizopera neMugovera. Sachigaro weZimbabwe Korfball Federation, Tarirai Chadebah, uyo achange achitungamira zvidzidzo izvi, akati zvakakosha chaizvo kuti varairidzi vemuzvikoro zvakasiyana vauye kuzoita zvidzidzo izvi sezvo zvichibatsira mukusimudzira mutambo uyu.

“Tave kuda kuti murairidzi wese wemutambo uyu ange ane achitupa cheNASH Korfball Level One saka tave kutanga kuita zvidzidzo zveLevel One coaching course.

“Tiri kukoshesa mutambo uyu zvakasimba uye tinoda kuti vatambi vese — vana vezvikoro pamwe nezvikwata zvakasiyana — vadzidziswe nevarairidzi vane ruzivo nemagwaro akakwana.

“Aka kachange kari kekutanga kuita zvidzidzo izvi kubva apo mutambo uyu pawakatangwa muno saka isu tinoziva kukosha kwezvidzidzo izvi mukubatsira kukura kwemutambo uyu,” akadaro Chadebah.

Akawedzera kuti zvidzidzo izvi vari kuzvitangira muHarare uye munguva iri kutevera zvichapambira kumapurovhinzi akasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey