Varimi 2000 vakabatsirwa

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Varimi 2000 vakabatsirwa

Kwayedza

VARIMI vanodarika 2 000 svondo rapera vakasimudzirwa zvikuru zvichitevera kupihwa kwavakaitwa zvekushandisa zvakaita sefetereza, mbeu pamwe nemishonga nechikwereti nekambani yeLasch Enterprises yakabatana neZanu-PF Youth League.

Vachitaura pachiitiko ichi, Cde Kudzai Chipanga avo vanova Zanu-PF Deputy Secretary for Youth Affairs, vakati vechidiki vakaona zvakakodzera kusimudzira mabasa ekurima munyika kuburikidza nekupa varimi zvekushandisa. Cde Chipanga vakati vanoshuvira kuti chirongwa ichi chitekeshere kumativi mana ose enyika. “Isu tiri vana vevhu, tinoda kushanda zvakasimba kuti chirongwa ichi chikubatsirei muri kuminda yenyu kwete kukwira bhazi pese pamunoda kutenga zvekurimisa,” vakadaro Cde Chipanga. Zvakadaro, vakamhura tsika inoitwa nevamwe varimi avo vanozotengesa zvavanenge vapihwa nechikwereti zvakaita sefetereza nembeu vasingazvishandise nemazvo.

“Varimi, ndapota siyanai netsika yekubatisa chikwereti kana kutengesa zvekurimisa zvatinenge takupai nechikwereti, bhadharai zvikwereti kuti Lasch igokupai zvekurimisa mune zvakanaka,” vakadaro Cde Chipanga.

Chirongwa ichi chiri kutarisirwa kubatsira varimi vanodarika 850 000 gore ra2018 risati rasvika.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wekambani yeSharlom Agro-chemicals uko kuri kutora varimi zvekurimisa nechikwereti, VaJustin Nherera, vakati vanogamuchira chirongwa ichi nemawoko maviri. Vakati mitengo yezvekurimisa haizi kuzowedzerwa nokudaro varimi vakasunguka kutora zvekushandisa zvinoenderana nehomwe dzavo.

“Tinonzwa kusimudzirwa zvikuru nekubatanidzwa nevarimi tichionerana pamwe nekubatsirana, varimi vachapinda pasi pechirongwa ichi havafaniri kuzeza sezvo mitengo yavo haizowedzera kana kukamurwa. “Tinoda kuti vakohwe pakuru, nyore-nyore kwete kuti vatambure kuwana zvekurimisa sezvo izvi zvichireva kuti isu senyika yose tinozotadza kukohwa goho rinofadza,” vakadaro VaNherera.

Share This:

Sponsored Links