Varimi ngavatsigirwe zvizere: Fao

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Varimi ngavatsigirwe zvizere: Fao

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO rinoona nezvekuwaniswa kwechikafu pamwe nenyaya dzekurima pasi rose reFood and Agriculture Organisation (FAO) rinoti zvakakosha kuti varimi vekumaruwa vatsigirwe zvizere sezvo vachibatsira zvikuru mukuwanikwa kwechikafu pamwe nekusimudzirwa kweupfumi hwenyika.

Chinyorwa chakabva kuFAO chemamiriro echikafu nenyaya dzekurima (State of Food and Agriculture 2017) chinoti mamiriyoni evanhu vari kurarama munyika dzichiri kusimukira uye vachitarisira kuwaniswa mabasa havafaniri kutiza kumaruwa vachienda kumadhorobha.

“Vanhu vari kumaruwa vane mikana mizhinji yekusimudzira nyaya dzeupfumi, zvikuru sei munyaya dzekurimwa kwechikafu kana vachinge vachiwana rutsigiro ruzere,” inodaro FAO.

Sangano iri rinoenderera mberi richichiti, “Kuti matambudziko enzara ange achikundwa, zvinoda mubatanidzwa wezvinhu zvine chekuita nebudiriro zvakadai sekurima kudya kusiri kwekutengesa kwakawanda, kusimudzirwa kwemahindasitiri nekuderedza huwandu hwevanhu vanogara mumaguta izvo zvinota kuti nyika dzikundikane kuwanisa vagari vemo chikafu chakakwana, dzidziso maringe nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze nezvimwe.”

Kune zvinhu zvakawanda zvine umboo izvo zvinogona kuitwa mukusandura upenyu hwevanhu vanogara kumaruwa kuburikidza nekuvabatsira kuti vange vachibuda munzara.

Nzvimbo dzinogara vanhu dzinoratidza zvakare misiyano yeraramo yavo.

Pakati pamakore a2015 na2030, vanhu vane makore 15-24 ekuberekwa vanotarisirwa kuwedzera kusvika 1.3 bhiriyoni uye huwandu uhu huchange hwakanyanya kumaruwa.

Kumatunhu enyika zhinji dzichiri kusimukira, kwakadai sekuSouth Asia neSub-Saharan Africa, kusimukira kwemahindasitiri kuchakasarira kumashure zvikuru nekudaro nyika dzakadai hadzichakwanisa kupinza vamwe vanhu mabasa avo vanenge vachitarisirwa kuti vange vari mumahindasitiri.

Vamwe vanhu vanogara kumaruwa – avo vari kuenda kunogara kumaguta nemadhorobha – vanokwanisa kubatwa nehurombo pachinzvimbo chekuti vange vachiwana nzira dzekurwisa nzara.

“Ichi ndicho chikonzero nei zvakakosha kuti vanhu vari kumaruwa vange vachibatsirwa kuita mabhindauko ekurima anosimudzira raramo yavo, kusanganisira kurima kunoitwa mamuguta,” inodaro FAO.

Sangano iri rinoti mamiriro akaita chikafu munyika anofanira kucherechedzwa zvakare kubvira kurimwa kwachinoitwa, kugaiwa nepachinozotengeswa uye zvekushandisa zvakadai sefeteraiza, mbeu nemadiridziro.

Zvisinei nekuti varimi vemumaguta vanorima zvakanyanya, matambudziko mazhinji anobata varimi vadiki avo vanenge vasina zvekushandisa zvakakwana uye misika yakati tsvetere yekutengesera zvirimwa zvavo.

Zvakadai, munyika muno Hurumende iri kutsigiri varimi kuburikidza nechirongwa cheCommand Agriculture icho vanowaniswa zvekushandisa zvinosanganisira mbeu, feteraiza nemishonga yekufiritisa zvirimwa.

Share This:

Sponsored Links