‘Varimi nyoresai mazita patsva’

17 Jul, 2014 - 15:07 0 Views
‘Varimi nyoresai mazita patsva’

Kwayedza

HURUMENDE iri kukurudzira varimi veA1 neA2 avo vakapihwa minda pasi pechirongwa chekugovera ivhu kuruzhinji kuti vanyorese mazita avo patsva kubazi rinoona nezveminda nekugariswa kwevanhu mumaruwa nechinangwa chekuti basa rifambiswe zvakanaka.

Gurukota rebazi iri, Dr Douglas Mombeshora, vakati varimi vanokwanisa kunyoresa mazita avo kumahofisi ebazi ravo ayo akatekeshera kumativi mana enyika.

Vakati varimi vanofanira kuzadzisa mafomu ari kumahofisi aya vachinyora zvinosanganisira, mazita avo, nhamba dzechitupa nemahekita eminda  yavakapihwa.

Dr Mombeshora vakati mafomu aya ari kupihwa pachena uye varimi vanofanira kungwarira dzimwe nhubu dzinogona kuvatorera mari yavo nechikiribi kuburikidza nekutengeserwa mafomu aya.

Vakati basa rose rekunyoreswa patsva kwevarimi ava riri kuitwa pachena kumahofisi avo pasina mari inobhadharwa.

“Hapana mari inofanirwa kubhadharwa pabasa rinenge richiitwa pachena,” vakadaro Dr Mombeshora.

Zvakadaro, vakati hapanai vanhu vanotenderwa kugariswa patsva kunzvimbo dzinenge dzakatarwa kuti ndedzemafuro ezvipfuyo. Vakati bazi ravo rakange ratambira mashoko ekuti kune vamwe vari kupa vanhu pekugara kunzvimbo dzemafuro izvo zvinova zvisiri pamutemo.

Bazi ravo, vakadaro, Dr Mombeshora, riri kushushikana zvakare nekuda kwevamwe vanhu vakazvigarisa patsva kudunhu reManicaland mumasango emiti (timber estates) inoshandiswa mumabasa akasiyana-siyana.

“Bazi rezveminda nekugariswa kwevanhu mumaruwa rinoda kuzivisa zvakajeka kuti hapana munhu anobvumirwa kugara pane ipi zvayo nzvimbo pasina bvumo yebazi iri nekuti izvi hazvisi pamutemo,” vakadaro.

“Avo vari kuramba vachigara kumasango etimber aya vanofanira kuteerera yambiro iyi.”

Vakati bazi ravo raive nemazita emapurazi ayo vanhu vakange vazvigarisa zvisiri pamutemo vachitema miti yemasango aya vachitengesa.

Dr Mombeshora vakati vari kushanda pamwe chete nehofisi yegurukota rehurumende rinomiririra dunhu reManicaland mukuona kuti mamiriro ezvinhu agadziriswa kuChimanimani, Vumba neNyanga uko kune vamwe vanhu vakazvigarisa patsva zvisiri pamutemo.

 

Share This:

Sponsored Links