‘Varimi vadiki ngavatsigirwe’

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Varimi vadiki ngavatsigirwe’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
HURUMENDE pamwe nemasangano akasiyana yakakurudzirwa kutsigira zvizere varimi vadiki avo vari kusangana nematambudziko makukutu zvichitevera kusanduka kwemamiriro ekunze uko kuri kukanganisa goho.Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa muHarare nguva pfupi yadarika wekunzvera nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze uyo wakapindwa nevamiriri vemasangano anoona nezvekurima vakabva kunyika dziri mudunhu reAfrica.

Vachitaura pamusangano uyu, chamangwiza wesangano reNational Association of Non-Governmental Organisations (Nango) Dr Cephas Zihumwe vakati varimi vechidiki vanofanira kutsigirwa mumatambudziko avari kusangana nawo sezvo vari ivo vari kuita kuti nyika inge ichiwaniswa kudya.

“Chikamu che80 percent chevanhu vari muSub-Saharan Africa vanogara kumaruwa uye vari kupona nenyaya dzekurima asi kuti vari kudzorerwa kumashure nepamusaka pekushaikwa kweminda yakakwana yekurima, kusanduka kwemamiriro ekunze uye zvekushandisa mukurima,” vakadaro.

Vakati panofanira kutorwa matanho akasimba ekufundisa varimi vechidiki nzira kwadzo dzekurima kuburikidza nekushandisa ruzivo rwechizvino-zvino kuti vange vachirwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze.

Sachigaro wesangano revarimi vadiki kunyika yeLesotho reSmall Scale Farmers Forum of Lesotho, Mai Mamalefetsane Phakoe,  vakati zvakakosha kuti hurumende dzenyika dzemuAfrica dzitsigire zvakasimba mabasa ekurima.

“Pane dambudziko guru ndepekuti panonzverwa nyaya dzevarimi muParamende murimi wacho anenge asimo saka vamwe vatungamiriri vacho vanenge vachitaura zvavanofungidzira kuti ndizvo zvinodiwa nevarimi. Zvakakosha kuti varimi vapihwe mikana yekudura zvichemo zvavo pane kuita zvekufungirwa nevamwe vanhu vasiri muhindasitiri yacho,” vakadaro.

VaSimon Vilakazi avo vanove murongi kuchikamu cheFood Security Programme kusangano reEconomic Justice Network (EJN) vanotiwo zvakakosha kuti kumaruwa kunge kuchisimudzirwa munyaya dzemahindasitiri.

“Nekuda kwekuti goho harisi kubudirira kumaruwa varimi vazhinji vave kuuya kumaguta kuzotsvaga chouviri nokudaro huwandu hwevanhu huri kuwedzera  mumaguta. Zvakakosha kuti varimi vechidiki kumaruwa vange vachibatsirwa kuvamba mabhizimisi kuti vakwanise kuvandudza zvinhu zvavanokohwa nekuzvigadzira vachiisa mumagaba vachitengesa. Izvi zvinobatsira mukuderedza huwandu hwevanhu vanouya kumaguta,” vakadaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, Mai Fortunate Nyakanda avo vanove mukuru weZimbabwe Organic Producers and Promoters Assocciation (ZOPPA Trust) vakati  varimi vadiki nevakuru vari kusangana nedambudziko rekusanduka kwemamiriro ekunze izvo zviri kuderedza goho ravo.

“Varimi vechidiki vari kushandisa nzira idzo dzinobatsira mukuderedza kusvibiswa kwemweya asi ndivo vari kunyanya kushungurudzwa nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze. Tiri kuedza napose patinogona kuti tinge tichishandisa mafudze wemanyowa, mashizha emiti pachinzvimbo  chefetereza iyo ine mishonga inokanganisa mamiriro ekunze. Mvura haisi  kunaya nenzira inofadza nekuda kwekuti pane zviri kukanganiswa munharaunda,” vakadaro.

Vakati sangano ravo riri kudzidzisa varimi vazhinji kuti vange vachirima vachisandisa zviwanikwa (organic farming) inove nzira iri nyore uye isingadhure.

Hurumende, vanodaro Nyakanda, inofanira kutsigira varimi muzvirongwa zvemadiridziro kuitira kuti nyika ikwanise kurwisa nzara nehurombo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>