Varimi vakaungana kuPrime Seed Co

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Varimi vakaungana kuPrime Seed Co Kuda Mashanda wePrime SeedCo achitsanangura nezvekurima peas

Kwayedza

Elizabeth Benjamin
KWAKANGA kusingadanwi anonzwa nomusi wa16 Chivabvu 2018 apo Prime Seed Co yakaita Field Day hombe kuTrial Site yavo iri kuStapleford pedyo neguta guru reHarare. Varimi vemiriwo pamwe chete neavo vaidawo kudzidza nezvazvo vainge vakaungana. Musi uyu kwaipfunha tumvura uye kuine chando, asi izvi hazvina kutadzisa varimi kubuda mudzimba dzavo.

VePrime Seed Co vaitarisira kuti kuchauya varimi vaizosvika mazana matanhatu (600) asi huwandu hwevarimi hwakazodarika mazana masere (800). Izvi zvakaratidza kuti varimi vemuZimbabwe vachiine chidokwa-dokwa chokuda kuramba vachidzidza kuti vavandudze marimiro avo.

Varimi vakanga vakaiswa mumapoka madiki kuti kufamba kwavo pamwe chete nekudzidza kuve nyore. VePrime Seed Co vakanga vakaisawo zvirimwa zvavo mumapoka akasiyana. Boka revarimi rokutanga raienda pamaGreenhouse umo maiva nemadomasi, magaka (English cucumber), masweet peppers nemanwiwa.

Chakanyanya kufadza varimi pamagreenhouse imhando dzemadomasi ayo akareba kuenda mudenga zvekutodarika varimi vose vaivapo. Madomasi aya anoti Candela, Alambra neOasis uye akabereka zvikuru madomasi akatsvuka zvinoyevedza.
Mumwe murimi aivapo akashamiswa nazvo achiti haasati amboona madomasi akareba zvakadaro.

Rimwe boka rezvirimwa raiva repeas. Varimi vakadzidza kuti kune mhando nhatu dzepeas dzinoti shelling peas, mange tout peas nesugar snap peas. Mhando yemashelling peas ndidzo dziya dzinomenywa dzakaita seGreenfeast, Lincoln nePurser.

Mhando dzemange tout nesugar snap ndidzo dzinodyiwa zvese nemakanda. Mhando idzodzi dzinorimwa nevarimi vachidzitengesera kunze kwenyika.

VeZimTrade vanokurudzira varimi kuti varime mhando dzepeas dzokutengesera kunze kwenyika vachiti dzinodiwa zvakanyanya ikoko. Vanoti huwandu hwepeas dzinodiwa kunze kwenyika hwakawandisa kudarika dzinorimwa nokudaro uyu mukana kuvarimi vemuZimbabwe kuti varime mange tout peas nesugar snaps.

Ve Prime Seed Co vakanyeurira varimi kuti pane nguva yokuti pasi rose kunenge kusina peas zvachose kunze kweidzo dzinenge dzichibva muZimbabwe. Nokudaro ndiyo nguva yokuti varimi vemuZimbabwe vanofanira kurima peas dzakanyanya kuwanda nokuti ndipo padzinenge dzichibhadharwa nemutengo wakakwirira.

Varimi vazhinji vakaratidza kuti vakanga vasati vambozvinzwa, vamwe vavo vakazvipira kuti vaizotangawo kurima peas dzokutengesera kunze mwaka unotevera. VeZimTrade vakazivisa varimi kuti kambani yavo iripo kubatsira varimi kuvazivisa nezvemikana yokutengesera kunze kwenyika pamwe chete nokuvazivisa zvese zvinodiwa kuti murimi atengesere kunze.

Boka rezvirimwa raitevera raiva nemacarrots, baby marrow nemabutternut. Varimi vakazvionera zvakarimwa mumunda vakadzidza nezvemhando dzezvirimwa izvi. Kune vamwewo varimi vaitopupura kuti vaive vachitorima mbesa dzePrime Seed Co uye kuti dzinovaitira zvakanaka.

Varimi vakazoona paiva pakarimwa hanyanisi. Vamwe varimi vairatidza kukatyamadzwa nespacing yaiva yakashandiswa iyo inoti 15cm x 8cm uye vakadzidza kuti madyariwo adzo akakosha kuti murimi awane goho repamusoro. Varimi vakawana mukana wekudzidza nezvekurimwa kwemakabichi apo paitodzidziswa nemukuru wePrime Seed Co, VaWillie Ranby.

VaRanby vakanyeurira varimi vemakabichi kuti pane zvinhu zvishanu zvavanofanira kutarisa vasati vatenga mbeu yekabhechi zvinoti:

i. Kuti mbeu yekabichi inoibva mushure memazuva mangani. Vanoti Prime Seed Co ine mbeu yekabichi inonzi Fabiola inoibva mushure memazuva 65 chete izvo zvinoita kuti murimi akwanisa kurima mbeu iyi kanokwana kana pagore. Vanoti hazvibatsire kuti murimi atenge mbeu yekabichi inoibva mushure me100 days kana kudarika nokuti anomirira nguva refu kuti abate mari apo vakangwara vanenge vatombodya mari uye vatoisa mbeu yechipiri.

ii. Kuchengetedzeka kwekabichi mumunda mushure mekunge raibva.
Prime Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) pamwe chete nedzemafuro ezvipfuyo. Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro anodaidzwa kuti maHybrids. Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza zvokuti mutengi achida kutenga pamusika anotomhanyira iwo mahybrids.

Goho rinobva pambeu yemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandisa pamusika, anokwanisa kumbomira kutengesa zvichizomupa mukana wekutengesa kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezvehybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakachipa kudarika mahybrids. Asika, zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Kuti varimi vazive zvakawanda pamusoro pembeu dzinotengeswa kuPrime Seed Co, batai madhumeni edu akatekeshera nenyika yose.

Nembeu dze Prime Seed Co unoita mari!

Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co uye munomubata panhare dzinoti 0731432590

Share This:

Sponsored Links