Varimi vanoda dhibhi

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Varimi vanoda dhibhi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekwaChimushonga kwaMambo Chiswiti kuMt Darwin, kuMashonaland Central Province, ochemera kuvakirwa dhibhi vachiti rimwe chete rinowanikwa munzvimbo iyi riri kure zvikuru uyewo rinowandirwa zvekuti varimi havakwanise kudhibhisa mombe dzavo panguva imwe chete.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaKipson Benny Marovahopo (70), vanoti mudunhu iri mune dhibhi rimwe chete rinowanikwa kwaGomo.

“Tine dambudziko guru rekushaya dhibhi kuno, rimwe chete ririko rinowanikwa kure zvikuru uyewo tikaenda imwe nguva hatikwanise kudhibhisa mombe dzedu nekuwandirwa kwaro nemombe zvinoguma zvaita kuti tidzoke tisina kudhibhisa,” vanodaro.

Vanoti vamwe varimi vave kuguma vatenga mishonga yedhibhi yekufirita mombe nezvimwe zvipfuyo kuti zvisabatwe nezvirwere zvezvikwekwe.

“Iro rimwe chete iroro harinawo mvura inokwanirana sezvo chibhorani chiripo chichigara chichipera mvura, zvikuru munguva yechirimo kureva kuti imwe nguva harishande zvakanaka. Saka isu kuno vekuChimushonga A neB tinokumbirawo dhibhi idzva tochererwawo zvibhorani ipo padhibhi nedzimwe nzvimbo kuti vanhu vawane mvura yekushandisa,” vanodaro.

Nguva ino yekurima vanoti vari kutarisana nedambudziko guru sezvo dzimwe dzemombe dzavanoshandisa dziri kubatwa nezvirwere zvinobva mukurumwa nezvikwekwe.

Vamwewo vane dambudziko rekuda dhibhi vanosanganisira misha inoti wekwaChigango, Bandimba naChisodza.

“Vamwe varimi kuno vave kuguma vatengesa zvipfuyo zvakaita semombe nembudzi nekutyira dambudziko rezvikwekwe,”

Vanoti mombe nezvimwe zvipfuyo zvinogara zvichisangana nezvipfuyo zvekunyika yeMozambique zvinoita kuti zvitapurirane zvirwere.

“Munguva pfupi yadarika, takarasikirwa nemombe dzakawanda nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe saka chikumbiro chedu kuti tivakirwe dhibhi,” vanodaro.

VaMarovahopo vakataurawo pamusoro penyaya yekuzara jecha kwenzizi zhinji dzeko izvo zvava kukonzera kuti zvipfuwo zvavo zvinetseke nekushaya mvura yekunwa.

“Rwizi rwedu rukuru Mukumbura rwaitibatsira makore ose nekuti tiwane mvura rwakazara jecha, hamusisina madziva, zvibhorani zvemuno zvakapera kufa saka hatina kwekuwana mvura,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links