Varimi vefodya vobatsirwa

02 Apr, 2015 - 19:04 0 Views
Varimi vefodya vobatsirwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIRONGWA chekuyamura varimi vefodya nezvekurimisa icho chinokotsverwa nekambani yeBoka Tobacco Auction Floors chopambira kumativi mana enyika uye kusvika pari zvino varimi vanodarika 500 vari kubatsirikana pasi pacho. Mai Chido Nyakudya vanova marketing manager kukambani iyi vanoti kuburikidza nechirongwa ichi cheBoka Tobacco Input Scheme vakazvipira kusimudzira varimi vefodya.

“Mumwaka wa2014 kusvika 2015 takabatsira varimi vanokwana 523 kukarimwa minda yefodya yakatandavara mahekita anodarika 390,” vakadaro Mai Nyakudya.

Vanoti chirongwa ichi chapambira kumapurovhinzi anoti Mashonaland East, Mashonaland Central, Masvingo, Mashonaland West nekuManicaland.

Varimi vanobatsirwa nezvekushandisa zvakasiyana zvakaita sefetereza, mbeu, mishonga pamwe nemabhero ekuisira fodya yavo.
“Sezvo tava nemakore mashoma tavamba chirongwa ichi, tiri kufadzwa nematambirirwo atiri kuitwa nevarimi kumatunhu kwatiri kuenda,” vakadaro Mai Nyakudya.

Vanoti vane vashandi nyanzvi dzekurimwa kwefodya maAgronomist avo vanotenderera kumatunhu akasiyana vachipa varimi vavo dzidziso izere.

“Zvekurimisa zvose zvinoendeswa kuvarimi nenguva, varimisi vedu ava vachibva vatotanga kupa ruzivo rwunodiwa kusvikira fodya yave kukohwewa zvose nekupiswa nekuzotsindirwa kwayo mumabhero,” vakadaro Mai Nyakudya.

Share This:

Sponsored Links