Varimi vefodya vowanda

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Varimi vefodya vowanda

Kwayedza

matibiri

Dr Andrew Matibiri

Kingstone Mapupu
HUWANDU hwevarimi vatsva vakanyoresa kurima fodya mwaka uno hwakawedzera kubva pa91 278 mwaka wadarika kusvika 106 456 apo vakawanda vacho vanonzi ndeve kumaruwa.Sangano reTobacco Industry Marketing Board (TIMB) rakazivisa kuti varimi vatsva vakanyoresa kurima fodya vave 30 152 avo vanotarisirwa kuwanda nekufamba kwenguva.

Mukuru wesangano iri vanove chief executive officer, Dr Andrew Matibiri, vakati varimi vekumaruwa vatsva vakanyoresa kurima fodya vanosvika 18 750 kana zvichienzaniswa nevakagariswa patsva vanove 9 874.

Zvakadai, dunhu reMatabeleland rinongova nevarimi gumi chete vatsva kusvika parizvino vakanyoresa kurima fodya uye mwaka wapera vaive 11 zvinoreva kuti vave kusvika makumi maviri nemumwe.

Dr Matibiri vakati zvinofadza kuti kudunhu reMatabeleland kwave nevarimi 21 uko vanoti neimwe nguva kwaimbova nemurimi mumwe chete airima fodya.

Zvakadaro, fodya yose yakatengeswa mwaka wadarika kusvika nemusi wa25 Chikunguru inonzi yaiva 213 229 091 kgs ichikosha US$676 230 103.

Panguva imwe chete iyi gore rapera, kwaive kwatengeswa fodya yaisvika 162 151 545 kgs yaikosha US$598 441 763.

Mwaka wekurimwa kwefodya wakatanga kare apo varimi vakatodyara mbesa  idzo vachadzurira vava kusima muminda yavo.

Mwaka wakadarika, vamwe varimi vakatsutsumwa zvikuru vachiti mutengo wefodya waiva wakadzikira.

Share This:

Sponsored Links