‘Varimi vemukaka vanofanira kusimudzirwa’

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views
‘Varimi vemukaka  vanofanira kusimudzirwa’

Kwayedza

MUTEVEDZERI wegurukota rinoona nezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro kuchikamu chekuvandudzwa kwezvipfuyo, Cde Paddy Zhanda, vanoti Hurumende inofanira kutsvaka dzimwe nzira dzinoita kuti varimi vemukaka vange vachikwanisa kuve nepundutso mubasa ravo.

Vakataura mashoko aya svondo rapera kwaMurehwa pamusangano wavakaita nevarimi vadiki vari mubhizimisi rekupfuya mombe dzemukaka.

Izvi zvinotevera gwaro rakabuda rinoratidza kuti pagore nyika iri kushandisa marita 240 miriyoni emukaka uye ichitenga marita 55 miriyoni kubva kunze kwenyika kuti inge ichizadzikisa zvido zvemisika yemuno.

“Panofanirwa kuitwa ongororo yenyaya yevarimi vemukaka. Mumakore 20-30 adarika, Hurumende yakatanga chirongwa chekushanda nevarimi vadiki munyaya dzemukaka asi hapana kana chakaburwa nokudaro tinoda kudzokera kumashure kuti tinge tichigadzirisa panenge pari kukanganisika. Tinoda kutarisa mombe dzacho dzinopa mukaka pamwe nemafuro acho kuti ange achisimudzirwa kuitira kuti mukaka uwande munyika,” vakadaro.

Vakati nyaya dzekukama mombe panguva iyo dzinenge dzisingachasise kwenguva ndefu ndiro rimwe dambudziko riri kusanganikwa nevarimi vemukaka vadiki zvinoita kuti mabhindauko avo arambe achisaririra kumashure.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Dr Jabulani Manyau vesangano reInternational Maize Improvement Center (CIMMYT) vakati kushomeka kwemukaka kwave kuita kuti nyika ipedzisire yave kutenga mukaka wakawanda kune dzimwe nyika.

“Tiri kubudisa chikamu che28-30 percent chemukaka apo 70 percent ichibva kune dzimwe nyika nekuda kwekuti mukaka watiri kugadzira muno mushoma zvachose kuti unge uchigutsa ruzhinji rwevanhu pagore. Mukaka watiri kutenga unosvika pamarita 54-56 miriyoni pagore isu tichifanira kushandisa marita 240 miriyoni pagore,” vakadaro.

Dr Manyau vakakurudzira varimi vemukaka vadiki kuti vange vachisimudzira zvirongwa zvavo zvekugadzira mukaka.

“Kuburikidza nemaScheme 17 evarimi vadiki vari kubudisa mukaka uri pasi pe5 percent saka tinoshuvira kuti kudai madarika apa,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>