Varimi venzimbe vowedzera zvimwe zvirimwa

10 Dec, 2015 - 17:12 0 Views
Varimi venzimbe vowedzera zvimwe zvirimwa

Kwayedza

VARIMI venzimbe vekuChiredzi vovandudza mabasa avo kuburikidza nekurima zvimwe zvakaita sefodya pamwe nekuita mabhindauko ekuchengeta zvipfuyo.

Zvirongwa izvi zviri kutungamirirwa nesangano reSugarcane Farmers Development Association iro sachigaro waro anove VaEdmore Veterai.

VaVeterai vanoti vakaona zvakakosha kuti vavandudze mashandiro avo pane kungomirira kurima nzimbe chete.

“Sevarimi venzimbe hatichangomirira kurima nzimbe chete tave kupinda mukurima zvimwe zvirimwa zvose zvakaita sechibage, fodya, mapfunde uyewo kupfuya mombe, mbudzi nehuku tichisimbisa basa redu,” vakadaro. Chirongwa chekuchengeta mbudzi dzemhando yepamusoro chatekeshera kuvarimi vedu nezvimwewo zvipfuyo zvakasiyana uye tinovabatsira nekunowanikwa mbudzi idzi,” vakadaro VaVeterai.

Vanoti kudunhu reChiredzi kwakawanda varimi venzimbe uye kunopisa zvikuru nekudaro zvakakosha kuti vave nemvura yemumadhamu nemuzvibhorani yekugara vachidiridza zvirimwa zvavo kuti zvisaome.

“Sevarimi venzimbe nezvimwe zvirimwa mwaka uno wakatiomera zvikuru sezvo mvura yekudenga isiri kunaya.

‘‘Magetsi atinoshandisa mukudiridzira minda edu ari kuendawo nguva nenguva saka tiri kutsvaga dzimwe nzira dzekuti tisimbise mabasa edu zvakaita sekushandisa mahinjini edhiziri uyewo nemoto wemagetsi anobva muzuva,” vakadaro.

Vakakurudzira varimi kuti vacherese zvibhorani nekuvaka madhamu madiki.

“Tinokurudzirawo kuti murimi woga-woga adyare miti zana pagore inosanganisira yemichero yemhando yose,” vakadaro VaVeterai.

Vanoti vari kuitawo mabhindauko ekuchengeta hove dzemhando dzakasiyana.

“Hapana chinoraswa kumurimi anoziva zvaanoita nekuti unochengeta huku nenguruve, worima huswa hwerudzi rwebuffalo wosanganisa negavakava wogaya nemashanga nemadororo ehuku wogadzira kudya kwenguruve.

‘‘Pamwedzi mitatu yoga-yoga unotengesa zvipfuyo zvakawanda uchiwana mari yako zhinji, sevarimi venzimbe tava pamberi vedu vakasiyana nevekare,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links