Varimi vochema-chema nemapere

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Varimi vochema-chema nemapere Sabhuku Mhonyera

Kwayedza

Kingstone Mapupu naAdrian Mawurukira
VARIMI vekunzvimbo yeMunamba kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa vari kuchema-chema zvikuru nekuda kwemapere arura ayo vanoti ari kudzosera kumashure basa ravo rekupfuya mbudzi nezvimwe zvipfuyo.

Sabhuku Mhonyera, VaBonface Mhonyera (60), vanoti mapere aya ari kufamba masikati machena achipinda muzvirugwi kana kubata mbudzi kumafuro.

“Kuno tatarisana nedambudziko guru rekudyirwa mbudzi nemapere ari kufamba zuva rakacheka nyika. Tine varimi vakawanda vakadyirwa mbudzi dzavo nemapere arura apo vamwe vanhu vari kutosangana nemapere aya mumigwagwa vachitozoguma vatiza neupenyu hwavo,” vanodaro. Varimi varasikirwa nezvipfuyo zvavo izvi kuburikidza nemapere aya vanosanganisira vemasabhuku anoti Mhonyera, Munamba, Choto, Gwazvo naChikwerekwere.

Sabhuku Mhonyera vanoti nyaya inonetsa ndeyekuti mapere anozivikanwa achifamba usiku, izvo zvasiyana nezviri kuitika zvekuti anoonekwa masikati machena.

“Tine varimi vazhinji vakadyirwa mbudzi dzavo nezvikara izvi,” vanodaro.

Varimi vemudunhu iri vanonzi vave kutya kunofudza mombe kana mbudzi idzi nezvimwe zvipfuyo kure nemisha yavo nekuda kwemapere aya.

Sabhuku Mhonyera vanoti havazive kuti chii chiri kukonzera izvi nekuti mapere haafanirwe kusvika mumisha masikati machena.

“Mapere aya haasi kudya mombe kana zvimwe zvipfuyo, ari kunangana nembudzi chete. Dambudziko iri richakonzera kuti varimi vashaye mari yekushandisa mukutenga zvinhu zvekushandisa kana kuwana mari yevana vechikoro sezvo vachitengesa mbudzi kumavambo kwemwaka wezhizha uyewo nekuwana mari yevana vezvikoro,” vanodaro.

Zvakadai, vana vechikoro vanonziwo vave kutotya kuenda kuzvikoro nekuda kwemapere aya.

“Kubva pasichigare, mapere aimbonetsa munharaunda muno achibva kugomo rinonzi Bvutaimhuru uko kusisina masango zvekuti tinoshama kuti mapere aya ari kugara pai,” vanodaro Sabhuku Mhonyera.

Varimi vemudunhu iri vanonzi vave kutogarisa mbudzi dzavo mudzimba kana mudzihozi kuitira kudzichengetedza kubva kuzvikara izvi.

 

Share This:

Sponsored Links