Varimi vochema nemakoronyera

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Varimi vochema nemakoronyera Vamwe vevarimi vakagariswa patsva kuminda yekudiridzira yeCashel Valley kwaMutambara, kuChimanimani vari mumunda webhinzi.

Kwayedza

VARIMI vakagariswa patsva kuminda yekudiridzira yeCashel Valley kwaMutambara, kuChimanimani vanoti havasi kuwana mari inovapa pundutso mukurima kwavari kuita zvichitevera makoronyera anouya kuminda yavo achitenga zvirimwa nemari shoma zvikuru.

Nekuda kwekudhurirwa nemarori ekutakurisa zvirimwa zvavo kuti vaendese kumisika yakasiyana kunotengesa, makoronyera aya anonzi ari kuuya kuvarimi ava vachitenga zvirimwa nemari shoma.

Sabhuku Gurenje, VaSamuel Gurenje (67), vanoti kubva pavagariswa patsva muminda iyi mugore ra1988 havana kuwana kwekutengesera kwakanaka nekuda kwekuti vemarori avanoshandisa kutakura zvirimwa zvavo vanovadhurira zvikuru.

“Chokwadi takaitirwa zvakanaka neHurumende yedu yakatipa minda yekurima tichidiridzira iyi maimbova mevarimi vachena kare. Tiri kurima asi mari yatinowana ishoma zvikuru,” vanodaro.

Varimi ava vakagariswa patsva mupurazi raimbozivikanwa kare richinzi Quaggas Hoek umo vakapihwa minda vari 37 uye mumwe nemumwe wavo aine wakatandavara hekita imwe chete.

“Tinorima zvirimwa zvinopa mari ipapo zvehorticulture nezvimwewo zvinosanganisira bhinzi. Asi dambudziko redu hatina chekutakurisa zvinoita kuti makoronyera auye achitibira kuno. Ukada kuhaya rori kuenda kuHarare kana kwaMutare nekumwewo, hapana zvaunenge waita nekuti mari yose inoperera parori,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaRishen Gurenje (41) vanove mumwe wevarimi vemunzvimbo iyi.
“Tiri kurimira makoronyera isu, ndivo vanonowana mari, Fungai kuti izvozvi bhagidhi rechibage rinotengeswa $2 kana $3 asi vakaenda nacho kuHarare kana kwaMutare vanonotengesa $6 kusvika $8.

“Isu kuti tihaye rori yekutakura inotichaja $1 000,” vanodaro.
Vanoti nekuda kwekushaya zvekutakurisa nekumirira kuzotengerwa nevanouya, zvirimwa zvakaita sematomatisi nezvimwe zvinoguma zvave kuwora muminda zvaibvisa.

“Makoronyera anouya kuno aya vanozoendesa zvirimwa izvi kumisika inosanganisira Mutare, Birchenough, Chipinge, Masvingo, Chiredzi nekumwewo. Isu tichisara tisina zvatinazvo zvinotitadzisa kudzokera muminda zvakanaka.

“Tinorima zvirimwa zvakawanda kubvira kuchibage, matomatisi, muriwo, bhinzi, derere, gorosi, mupunga nezvimwe zvakasiyana,” vanodaro.

Mai Caroline Bandera (45) vanoti mari yavanoshandisa pakurima neyavanozowana haipindirane.
Sachigaro wevarimi vane minda iyi, VaLovemore Maunganidze (66), vanotiwo; “Zvirimwa zvedu hatiwane mari yatinotarisira nekuda kwekushaya zvekutakurisa kuenda kumisika nekudaro tave kushaya mari chaiyo yekutenga samende yekunamisa migero yedu inofambisa mvura sezvo yatsemuka. Mvura irimo murwizi rwatinotora mune Umvumvumvu inokwanirana nezvatinoda. Imwe nyaya, tine matirakita maviri ayo tinonzi tibvise mari kuti tigorimirwa iyo tiri kushaya.”

Vamwe vakarakidza kutsutsumwa nenyaya iyi ndiVaLovemore Gunouya (53) avo vanoti, “Tinonzi murimi woga-woga ngaabvise mari inoita $50 kuti ave nhengo yechirongwa chekuzorimirwa, apo tirakita iyi inozochaja $50 pakurimirwa negejo diki uyewo $100 negejo hombe pahekita.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey