Varimi vochema nemitengo yakadzika

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Varimi vochema nemitengo yakadzika VaKipson Marovahopo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Varimi vezvirimwa zvidiki vochema-chema zvikuru nekudzikira kwemitengo yazvo izvo vanoti zvave kudzosera budiriro yavo kumashure.

Kwayedza svondo rapera yakawana mukana wekushanyira nzvimbo dzinosanganisira Rushinga, Mt Darwin, Guruve, Muzarabani neMbire kuMashonaland Central Province uko varimi vazhinji vairakidza kutsutsumwa zvikuru nekuda kwemitengo yezvirimwa zvidiki. VaKipson Benny Marovahopo (70) vemumusha waSabhuku Chimushonga kwaMambo Chiswiti, kuMt Darwin, vanoti mudunhu ravo hamuite chibage zvinoita kuti varime zvirimwa zvinosanganisira mhunga, mapfunde, zviyo, bhinzi nezvimwe izvo  zvinotengwa nemari shoma.

“Ndakarima bhinzi dziya chena ndikawana tani asi kwekuti nditengesere idambudziko, kune vanhu vanofamba kuno vanotenga ne$2 pabhagidhi. Zviyo zvimwe chete kana iwo mapfunde nemhunga hapana mutengo chaiwo. Tikarima chibage chinotsva nekuti kuno hakunaye mvura yakanaka kuRegion 4 ne5,” vanodaro.

Vanoti kana vachida kurima chibage vanoenda kunorima mumahombekombe erwizi rwaMukumbura vachitevera hunyoro. Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Lessie Marovahopo (65) vachiti vanorimira pasina nekuti havana kwekutengesera zvirimwa zvidiki izvi.

Mbuya Lessie Marovahopo

“Nyaya yemutengo wezvirimwa zvidiki inotidzosera kumashure zvikuru nekuti ndizvo  zvinoita zvakanaka kuno. Bhagidhi remapfunde kuno rinochinjaniswa nepaketi yeshuga ye2kgs nekudaro tinoguma tave kurima zvekudya chete pasina kwekutengesera,” vanodaro.

Sekuru Venda Kateguru (79) vanotiwo vaiva vakarima yeka yemapfunde vakakohwa ngoro nhatu idzo vakachinjanisa nekudya pamwe nembatya nekuti hapana kwavanogona kutengesera. Sabhuku Matanda, VaJustin Nhepera, vekwaMambo Makuni, kuRushinga vanoti havasi kuwana punduko mukurima kwavari kuita zvirimwa zvidiki.

“Tinongorimira kudya zvirimwa zvidiki izvi nekuti vanouya nemarori vanotenga bhagidhi ne$2 kana vatokwidza. Saka muchizoona tave kutengesa zvipfuyo kuti tirarame izvo vanotenga nemari shoma zvakare,” vanodaro.

Sabhuku Mugoneka, VaAtkins Mugoneka (44), vekwaMambo Nembire, kuSt Albert’s vanoti hazvibatsire kurima mbesa diki nekuti havana kwekudzitengesera.

VaJoseph Gondo

“Hongu ndinorima nzungu, rukweza, mhunga, mapfunde nezvimwewo asi dambudziko riripo hatiwane kwekutengesa kwatinowana mari zhinji,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Edmore Tafi (67) vekuGuruve vachiti vave kungorima zvirimwa zvidiki zvekudya nemhuri yavo nekuda kwemitengo yakaderera. Zvakadai, mumiriri weMt Darwin North mudare reNational Assembly, Cde Noveti Muponora, vanoti kambani yedura guru renyika yeGrain Marketing Board inotenga zvirimwa zvidiki nemitengo yakanaka asi dambudziko riripo nderekuti varimi ava vanorima zvishoma izvo vanotengesera kuvanhu.

Principal director kubazi reAgritex, VaJoseph Gondo, vanotiwo zvirimwa zvidiki ndiwo chete musimboti wenduramo yevarimi vari kumatunhu asinganaye mvura zvakanaka.

“Vanotenga variko chinodiwa kuti varimi vaunganidze zvirimwa zvavo votakura zvakawanda kuendesa kune vanotenga pane kutengesa nemigomo kana makapu nekuti kana vakadaro  havaone kubhadhara kwazvo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links