Varimi vochemera mbeu yedonje

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Varimi vochemera mbeu yedonje Mr Givemore Gumbo applies pestcides to his cotton plant in Zvemombe, Triangle recently

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VARIMI vekudunhu raMambo Chiswiti kuMt Darwin, kuMashonaland Central vari kuchema-chema zvikuru nekushaya kwavari kuita mbeu yedonje izvo vanoti zvadzosera shure mabasa ekurima.

Kwayedza yakakurukura nevamwe vevarimi vemunzvimbo dzinosanganisira Bandimba, Chigango, Gomo, Chimushonga naKapfudza avo vanoti havana kurima donje mwaka uno nekuda kwekuti vakashaya mbeu yacho.

Varimi ava vanoti vanochipihwa mbeu iyi nemakambani akasiyana pasi pechirongwa chekondirakiti asi mwaka uno havana kupihwa.

Morgan Jatiza (33), wemumusha waSabhuku Chimushonga, anoti haana kukwanisa kurima donje nekuda kwekushaya mbeu sezvo makore ose vanopihwa mbeu yechirimwa ichi nemamwe makambani izvo zvinovaitira nyore.

“Zvisinei nemutengo wedonje wakadzikira kwemakore angadarika matanhatu kana manomwe, kuno kuMukumbura tinorima donje nekuti rinoita zvakanaka zvikuru kudarika zvimwe zvirimwa. Asi dambudziko redu mwaka uno hatina kuwaniswa mbeu yedonje kubva kumakambani aimbotibatsira,” anodaro.

Murimi uyu anoti mwaka wakapera wezhizha akarima yeka imwe chete yedonje mushure mekunge awaniswa mbeu neimwe kambani inotenga donje yakazvimirira.

“Mwaka uno wezhizha vakawanda vedu hatina kuwaniswa mbeu yedonje kureva kuti minda yataifanira kurima donje takatorima zvimwe zvinosanganisira chibage, bhinzi, mapfunde, zviyo, mhunga nezvimwewo. Taimbova nemamwe makambani kare aitibatsira muno anosanganisira Grafax, Parogate nemamwe asi hatizive kuti akavhara kana kuti achiriko here nekuti kuno tatoomerwa hatina kuwana mbeu yekurima donje, kune vashoma-shoma vakapihwa,” anodaro.

Mumwewo murimi wechidiki wemunzvimbo imwe chete iyi, Shelton Madzotso (30) anoti nekuona kuti mwaka uno akashaya mbeu yedonje, akatodyara mbeu yematomatisi.

“Kudunhu redu kuno hakunaye mvura zvakakwana nekudaro tinoda kurima zvakaita sedonje ne- zvirimwa zvidiki zvinoshingirira muzuva.

“Saka nekushaya uko takaita mbeu yedonje tave kutorima zvimwe zvirimwa,” anodaro.

Zvakadai, kune mashoko anoti varimi vari munzvimbo dzakatevedza muganhu wenyika ino neyeMozambique vanosanganisira vari kuMudzi neMutoko kuMashonaland East uye nekuRushinga, Mukumbura nekuMuzarabani kuMashonaland Central vanoenda vachinotengesa donje ravo kumakambani ekuMozambique uko vanotengerwa nemari yepamusoro kudarika muno.

Zvinonzi varimi ava vanotiza makambani anovabatsira mukurima zvakonzera kuti asade kushanda navo.

Vamwe vevarimi vari kumatunhu aya vanotsinhira mashoko ekuti kune dzimwe nhubu dzinotengesa donje kumakambani anenge asina kuvapa zvikwereti izvo vanotora nehutsotsi hunodzosera mabasa ekurima kumashure.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey