Varimi vodyara mbesa

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Varimi vodyara mbesa VaWonder Chabikwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MASANGANO anomirira varimi anoti vamwe vakatotanga kudyara mbesa dzakasiyana zvichitevera kuturuka kwakaita mvura svondo rapera uye anovakurudzira kuti vashande zvizere nevarimisi vari kumatunhu avo mubasa ravo sezvo vari ivo vane ruzivo rwakadzama rwekurima.

Sachigaro wesangano reFederation for Farmers Union VaWonder Chabikwa vanoti varimi vakatotangisa kudyara mbesa dzavo – zvikuru sei dzechibage nefodya – uye kune vamwe vakagara vadyara mvura isati yanaya (dry planting).

“Tinofara zvikuru kuti mwaka wekurima wakatanga nenguva yakanaka apo mvura yakaturuka nehuwandu hwayo zvekudzikisa mwando ne25mm-30mm kune mamwe matunhu unova mwando unoita kuti mbeu dzikwanise kumera zvakanaka. Tinokurudzira varimi vashande nemadhumeni ari pedyo navo vaone kuti  mvura inenge yanaya mudunhu mavo yakakodzera here kuti vange vachidyara senzira yekuti vasazorasikirwa sezvo vazhinji vasina michina yekuongororo izvi (rain gauge),” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Dambudziko guru nderekudhura kwembeu zvisinei nekuti iri kunzi yakadzikiswa tiri kuona mitengo yembeu dzese yakapetwa kaviri zvinova zvichaita kuti varimi vazhinji vawanikwe vachideredza huwandu hweminda iyo vanorima.”

VaChabikwa vanoti kudhura kuri kuita fetiraiza nembeu kuchaita kuti varimi vawanikwe vachizotengesawo zvirimwa zvavo nemari yepamusoro senzira yekuti vasarasikirwa.

VaPaul Zakariya vanova executive director weZimbabwe Farmers Union (ZFU) vanoti kuturuka kwemvura mwaka uno kwakati nonokei kana zvichienzaniswa newadarika.

“Panyaya dzekugadzirira minda varimi vazhinji vakatotanga kudyara zvisinei nekuti mwando chaiwo wakakodzera kuti vange vachiita izvi hausati wanyatsokwana kuti mbeu dzinge dzichimera zvakanaka. Tinokurudzira varimi kuti vange vachishanda pamwe nemadhumeni ari munharaunda mavo kuti vawaniswe mazano uye zvinobatsira kuti vasazorasikirwa nembeu dzavo dzinokosha,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey