Varimi vopunduka nefodya

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Varimi vopunduka nefodya VaAusten Chigovere

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
NYIKA isati yawana kuzvitonga kuzere muna1980, hazvaiva nyore kuti munhu mutema ange achiwanikwa achipinda mubhizimusi rekurima zvirimwa zvinopa mari zvakadai sefodya asi nhasi uno yave kurimwa pamadiro.

Kurimwa kwefodya nevanhu vatema inhaka huru sezvo vachikwanisa kuunza mari yekunze munyika muno zvichimutsira vanhu mabasa anosimudzira Zimbabwe.

Kwayedza svondo rapera yakamema misika yefodya yakadai seTobacco Sales Floor (TSF), Boka Tobacco Sales Floor nemimwe yakawanda ikaona vanhu vatema vari ivo vazhinji vakanga vari kutengesa fodya yavo unova mucherechedzo wekuti masimba eupfumi ava mumaoko evatema.

VaTichaona Chigovere

VaAusten Chigovere (18) vanorimira kuMhangura vanoti Zimbabwe inyika yakasununguka nekuti makare varungu ndivo bedzi vaitenderwa kurima fodya.

“Iko zvino vanhu vatema vava kukwanisa kusimudzira nyika yavo nekuti mari iri kushanda muno. Tavawo neminda yatinorima zvekuti gore rapera ndakatotenga mombe dzangu nhatu. Kurima ndihwo upfumi hwevatema,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemukoma wavo, VaTichaona Chigovere (26), vachiti vakakwanisawo kutenga mombe gumi kuburikidza nekurima fodya vachibatsirwa nababa vavo.

VaPhear Nyurenda

VaPhear Nyurenda (66) vanova murimi wefodya kuMutorashanda vanoti vakaunza 340 kgs dzefodya kumisika uye vari kutarisira kuwana mari yekuti vanotenga mombe dzavo kumusha.

“Handina hangu munda wakakura asi ndakakwanisa kuunza 340 kgs dzefodya saka kurima kwatiri kuita sevanhu vatema ndinoona kuri kutisimudzirwa zvikuru zvichibva mukupombonoka kwakaita nyika,” vanodaro.

VaGeneral Seed (27) vanorimira kuMacheke vanoti nyika ino ine runyararo asi vanoshuvira kuti kudai mari inopihwa varimi vanenge vatengesa vefodya iri musvo yawedzerwa.

“Ini ndakatengesa fodya ye$10 000 asi ndopihwa $300 iri musvo chete imwe yese voti inofanira kunge iri Plastic Money? Kudai vatiwedzerawo kusvika pa$500 kana $1 000 nekuti tichada kunotenga mimwe michina kunze kwenyika tichitenga nemari yekunze saka mari yedu inosara yangova chidimbu. Mukurima kwandakaita, ndakakwanisa kutenga bhasikoro nekuroora mudzimai,” vanodaro.

Mai Georgina Zvakasikwa

Mai Georgina Zvakasikwa (40) vekuHeadlands vanotiwo vakakwanisa kutenga motokari yemhando yeNissan, mombe nengoro kuburikidza nekurima fodya.

“Ndinorima mahekita maviri efodya asi dambudziko ndere mitengo yakaderera zvisinei nekuti tiri kuunza fodya yemhando yepamusoro kumisika,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links