Varimisi ngavatsigirwe

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Varimisi ngavatsigirwe

Kwayedza

HURUMENDE yakakurudzirwa kuti itore matanho ekuona kuti varimisi kana kuti madhomeni vawana zvinhu zvakakwana zvekushandisa pamwe nekuve neruzivo rwechizvino-zvino nedonzvo rekusimudzira mabasa ekurima munyika.

Vachitaura pamhemberero dzeWorld Food Day idzo dzakaitirwa paChitora Irrigation Scheme kwaMutoko nguva pfupi yadarika, gurukota rehurumende rinomirira dunhu reMashonaland East, Cde Simbaneuta Mudarikwa, vakati varimisi vari kusangana nematambudziko ekushaya zvekushandisa mubasa ravo.

“Zvinhu zvinorwadza kuti varimisi vedu vari kusaririra kumashure munyaya dzeruzivo rwemakombiyuta zvinova zviri kukanganisa kufambira mberi kwebasa ravo. Varimisi vekumaruwa vamwe vacho havatokwanisi kushandisa chinhu chinonzi kombiyuta zvinoita kuti vakundikane mukufambirana nenguva saka tinoda kuti Hurumende ipindire ipapo,” vakadaro Cde Mudarikwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>