Uncategorized

varoyi vakatetena chitunha

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
varoyi vakatetena chitunha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAMBO Chireya vekuGokwe nevagari veko vari kutadza kunzwisisa zvakaitika pamutumbi wemushakabvu harahwa uyo wakafumoonekwa nehama neshamwari usisina dzimwe nhengo, kusanganisira sikarudzi.

Vari kuziva nezvenyaya iyi vanoti chitunha chemurume uyu chakadyiwa nevaroyi apo chainge chichiri mumba chisati chazonovigwa.

Murume wemubhuku raKashiri — uyo akangozivikanwa nezita rekuti Katirori — anonzi akashaika masvondo mashoma akadarika ari pamba pemwanakomana wake, Chenai Katirori.

 

Vanhukadzi vehukama neshamwari — setsika yeko — vanonzi ndivo vakazorara muimba yaive nechitunha cheharahwa iyi apo mangwana acho madzisahwira aigezesa mutumbi akazoona kuti mufi akanga asisina dzimwe nhengo dzinosanganisira sikarudzi, dama, ziso, mhuno, muromo, zamu uye pamhanza nepachirebvu paiva pakaboorwa — nyama dzepo dzakabviswa.

Muzukuru wemushakabvu, Mai Agness Mutsvara (46) — vari zvakare mumwe wevanhu vaiva mumba makazowanikwa mutumbi wadyiwa — vanotsinhira nezvemashura aya.

“Takavata mumba maiva nechitunha — tose taisvika vanhukadzi gumi, kusanganisira machembere. Hapana chakaipa chatakaona husiku uhwu kana munhu akamuka kuenda kwaiva nechitunha hapana watakaona, ndisingazive apo tainge takakotsira. Shoko rakazongofamba mangwanani acho apo munhu akagezeswa ndokunzwa kuti chitunha chaiva chadyiwa nevaroyi,” vanodaro.

Vanoti pakuvigwa kwemufi uyu, nyaya iyi yakatoshevedzerwa vanhu vari kumakuva kuti paitika zvinoshamisa apo varoyi vainzi vadya chitunha ichi chisati chavigwa — chichiri kuturikwa mumba.

“Vana vepamusha uyu ndivo vakatanga kutaurirwa nezvemashura aya kunzi baba vavo vakanga vawanikwa chitunha chavo chisina nhengo dzose dzakavandika nedzimwewo. Zvakazoshevedzerwawo vanhu vava kumakuva naSekuru Ndangare vemubhuku raMuzvuvagumbo vachiti, ‘Varoyi nyaraiwo, matinyadzisa chokwadi! Kudya munhu achiri mumba here? Madii kumira mutumbi wambotanga wambonovigwa mozodya zvenyu,’” vanodaro Mai Mutsvara.

Vanoti mushakabvu aiva sekuru vavo hanzvadzi yaamai.

Mumwewo muzukuru wemhuri yekwaKatirori, Mai Vairesi Mudengezerwa (50), vanotsinhira nyaya iyi vachitizve ivo mumwe wevanhu vakarara muimba yaive nechitunha.

“Zvakazoshevedzerwa mangwanani apo mutumbi wasekuru wakanga wave kugezeswa nemasahwira. Kwakatanga kwaudzwa mwana mukomana mukuru wepamba apa, Chenai Katirori, kuti mutumbi waonekwa usisina sikarudzi, zamu rimwe chete, mhuno, chirebvu nemuromo. Zvose zvinonzi zvairatidza kuti zvainge zvaita zvekurumwa nemazino akatesva. Zvakanzi aya mabasa evaroyi,” vanodaro.

Sabhuku Soraidema, VaEdmore Dzikamunhenga (30), vanoti nyaya iyi yakavagura kunorira.

“Zvakaonekwa mutumbi wave kugezeswa, tave kugadzirira kunourakidza. Isu semasabhuku, takashevedzwa kuti tione chishamiso chikuru ichi – chitunha chainge chisisina dzimwe nhengo. Ndakazvionera ini,” vanodaro.

Vanoti madzimai akarara mumba umu vakazounganidzwa kuti vataure zvavainge vaona husiku, asi vose hapana akakwanisa kurondedzera chaizvo zvakaitika.

“Nyaya iyi yakazoendeswa kwaMambo Chireya mushure kukazoitwa dare vanhu vose vaiva mumba maiva nechitunha vakashevedzwa,” vanodaro sabhuku ava.

Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (50), vanotsinhira nyaya iyi vachiti vakashevedza vemhuri yekwaKatirori kudare ravo vachida kunzwa nezvenyaya iyi.

“Chitunha chakadyiwa kubvira kunhengo dzakavandika – hapana chakasara. Pakasara pasina chinhu, hamheno kuti ndiro bhuruvhozi revaroyi here.

“Dzimwe nhengo dzakange dzisipo dzinosanganisira muromo, mhuno, ziso, zamu, dama nechirebvu uye pamhanza paive neburi.

“Varoyi bedzi vakaita izvi, hapana chekupokana nacho. Hatingambofungira kuti vanhu vakacheka vachida kutengesa nhengo idzi kune vemabhizimisi vanochekeresa.

“Vemhuri iyi vauya kuno, takaedza kubvunza kune vaiva mumba umu kuti vatiudze kuti zvakafamba sei asi takashaya akatipa mhinduro kwayo,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti nyaya iyi haina kupihwa mutongo sezvo vachiri kutsvaga chaizvo zvakaitika.

“Tava kutsvaga maporofita nen’anga kuonekwe varoyi vakaita izvi. Kana vari varoyi vakabva kunze kweGokwe, tinoda kuti vemweya vaone izvi, toripisa vacho vanenge vanongedzwa kuti ndivo vakadya nyama yechitunha ichi. Imombe chaidzo dzavanofanirwa kubvisa, tinoda kuti veZinatha vagovapo,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti nyaya iyi ikanetsa vacharipisa munhu wose aiva mumba maive nechitunha.

“Nyaya dzehuroyi kuno dzanyanya, tashaya kuti todii. Hatizive kuti totsvaga vanofamba vachirutsisa vanhu here kuti vasiyane nehuroyi. Asi kunmwe kuroya ndekwemadzinza, munhu anoita asingazive,” vanodaro.

Sekuru Bonface Katerera vekwaMashambanhaka, kuUzumba, vanoti madzimai aiva mumba mune chitunha vanogona kunge vasina mhosva.

“Mambo ava vanofanirwa kuita nyaya yavo vakangwara nekuti vanogona kuripisa vanhu vasina mhosva. Dzimwe nguva varoyi vakadya chitunha ichi vaisatombovapo pavanhu vaiva panhamo iyi — vakatobva kure vakasvikoita mabasa avo vanhu varere,” vanodaro.

Vanoti varoyi vakuru vanonyanya kufarira nyama yesikarudzi, ingava yevarume kana yevanhukadzi.

“Varoyi vakuru vanoda zvikuru kudya nyama dzesikarudzi uye izvi tinozviwana kwatinofamba. Pane nguva yekuti varoyi vanoda kudya nyama yemumwe wavairoya naye,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links