Uncategorized

Varoyi varutse nyama yevanhu yavakadya

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

MUMWE murume akanga akashatiriswa nehuwori hunonhuhwa kuti pfuu hwaiitika munguva yake. Akati awana mukana wekutaura, akaputika nehasha akaita munamato wekuti, “Hakuna here hasha kana rushambwa, hakuna here mheni iri mumatura edenga, mheni inopisa uye yakatsvuka kuti piriviri nehasha. Hakuna here mheni yatingaregedzere sengozi yerombe kuti inorova nekubvarura munhu anozvitutumadza neupfumi hwaakawana achibira nyika yake?”

Neniwo ndinonzwa hasha nekusavimbika kwatekeshera seshura munyika.

Mudzimba dzedu vana havachataura chokwadi, vabereki havacharemekedzeka. Madzimai ave kupfeka zvekuti “nditarise,” varume vave kuruma vachiuraya senyoka dzine huturu. Vana vazhinji vapenyu, asi vakafa hunhu nekuda kweWhatsApp zvekuti havacharohwa nehana. Chete idzo hana dzezvitunha dzingagorova chirudzii?

Handicharemekedza chikoro chemazuva ano. Zvave pachena kuti kutora degree kwave kureva zvakawanda.

Kune vanotora maDegree, koitawo vamwe vanoverengera nekushandira maDegree iwayo.

Kutora degree kuri kuitwa nevanhu vakaziva kuti unogona kurarama nekubudirira nezvekuba. Pakafa mainini vangu vaive mudzidzisi, mukoma wavo akatora zvitupa zvavo akanopinda basa semudzidzisi.

Vakazobatwa mushure memakore akawanda, asi vakanga vatouraya vana vavakadzidzisa pamakore ese iwayo.

MuHarare mave nevanhu vari kurarama nekunyorera vanhu maAssignment nemaDissertation. Degree rekunyorerwa harisi rako. Asi nyangwe zvakadaro, mumabasa macho mazara huwori hwekuti nyangwe mbavha dzedzidzo idzodzo, ndidzo dzinopihwa mabasa kuti dziuraye nyika.

Hazvisi kuperera mukutora maDegree, asi nevana vanofanira kuverenga kuti vapase, vave kupasirana mapepa ebvunzo akabvinza kubva kuvachengeti vemapepa. Kana mwana azoita maA akawanda munguva dzekubvinza kwemapepa ebvunzo, handimukorokotedze nemwoyo wese.

Handiremekedze dzidzo yakabvinza nekuti inobvinzisa nyika, toramba tiri varombo.  Handiyemure mimba yembwa seinokamwa mukaka.

Zvavewo pachena mushure mekuburitswa kwemazita evakapoyesa hupfumi hwenyika ino kuenda kunze kwenyika kuti majeri akazara nembavha, asi mbavha zhinji hadzisi mujeri. Ndinorwadziwa nevanhu vanozvida asi kuzvida kwavo kuchibva pahumbavha huri pachena.

Chinondishamisa ndechekuti vanhu vanoba ivavo vanowana vamwe vanhu vanovapururudzira kuti vari kuita zvakanaka. Saka tasvika here ipapo pakataurwa neBhaibheri kuti achasvika mazuva ekuti vanhu vachati zvakanaka zvakaipa, uye zvakaipa zvakanaka.

Chingochani, ponogirafu, huroyi, humbwa, chipfambi nekunyepa zvatekeshera nekutambarara setsangadzi.

Ndave kuona kuzadziswa kwemashoko aPauro kuna Timoti pamusoro pekushaya uMwari mumazuva ekupedzisira. Pauro akati kuna Timoti, “Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira. Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari.”

Ndinoti pamwe dai Jesu akararama nguva ino pamwe aizodarikawo nekuno akataura nanaZakeyo vari pakati pedu. Zakeyo aive muteresi akanga akapfuma kwazvo, asi hupfumi hwaZakeyo hwaive hwekutorera vanhu, hwehumbavha. Jesu paakati kuna Zakeyo, “Buruka mumuti, nhasi ndiri kunodya kumba kwako,” vanhu vakatsamwa.

Vanhu vaifunga kuti Jesu ave kunoita hushamwari nevagara vaine mari uye vachitambudza varombo.

Asi Jesu akati asvika kumba kwaZakeyo, haana kumuparidzira kana kumuporofita. Zakeyo akangoerekana ave kurotomoka ega kuti akanga akabira vanhu, uye kuti aizovadzosera zvaakanga akavabira.

Munamato wangu pamusoro peZimbabwe ndewekuti varoyi varutse nyama yese yevanhu vavakadya, uye akaba arege kubazve.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey