Uncategorized

varume 145 vazvipira kusabara …Vakatodamburwa tsinga dzinofamba nembeu yababa

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
varume 145 vazvipira kusabara …Vakatodamburwa tsinga dzinofamba nembeu yababa Miriam Helen Machimbirike

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rePopulation Services Zimbabwe (PSZ) rinoti — senzira yekuronga mhuri — vanhurume vanosvika 145 vakachekwa dundiro (vasectomy) kubva 2014 kusvika 2017.

Vasectomy inzira yekurera mhuri inoitwa kuvarume nemachiremba apo vanocheka nzira kana kuti chubhu dzinofambisa mbeu yababa musikarudzi kuti isasvike kumazai aamai.

Munhu anenge achekwa nenzira iyi haazokwanisa zvakare kuita vana upenyu hwake hwose uye hazvigadzirisike.

Vachitaura pamusangano wevatori venhau uyo wakarongwa nePSI yakabatana neZimbabwe National Family Planning Council (ZNFPA) nekuKadoma nguva pfupi yadarika, Dr Ray Chikowore – avo vanova director of clinical service and quality kuPSZ – vanoti kune varume vari kuzvipira kuchekwa dundiro senzira yekurera mhuri.

Dr Ray Chikowore

“Varume vari kupinda muchirongwa chevasectomy vari kuuya nekuda kwavo kwete nekurwara kana zvimwe zvikonzero. Isarudzo yavo mushure mekuona kuti huwandu hwevana vavanoda hunenge hwakwana.

“Tinovapanga mazano nezvakanakira danho iri kana zvimwewo zvikonzero. Varume vatakacheka dundiro vane makore anobvira pa30 kusvika 40 ekuberekwa. Mugore ra2014, takaita vasectomy kuvarume 26, muna 2015 tikaita 19, muna2016 tikavhiya 37 apo muna2017 takavhiya 63,” vanodaro.

Vanoti huwandu uhwu hwakawedzera zvichitevera kudzidziswa kwakaitwa varapi vanoona nezvebasa iri kuPSZ uye zvirongwa zvavari kuita sekumaruwa uko vanofamba vachidzidzisa veruzhinji nezvenzira dzekurera mhuri.

“Mugore ra2016, taingova nemurapi mumwe chete pachipatara chimwe nechimwe chePSZ asi takavandudza mabasa edu kuburikidza nekudzidzisa vamwe varapi. Zvino kwava nevarapi vatatu pachipatara chimwe nechimwe nokudaro vose vanoda rubatsiro urwu vanorwuwana.

“Tiri kupinda munharaunda tichikusha mashoko echenjedzo maererano nekukosha kwekuronga mhuri nekuti kana vanhu vasina ruzivo, havagoni kuita sarudzo yakajeka.”

Dr Chikowore vanoti kunze kwekuchekwa dundiro, varume vanokwanisa kushandisa makondomu uye zvakakosha kuti vatsigire madzimai avo muzvirongwa zvekurera mhuri.

“Varume vanokwanisa kushandisa makondomu kana kuchekwa dundiro asika, tinokurudzira kuti vange vachitsigira madzimai avo munyaya dzekurera mhuri nekuti munguva zhinji vanhukadzi pavanouya kuzvipatara zvedu tichivatsanagurira nezvenzira dzakasiyana dzekuronga mhuri, vanoti vanenge vachida kutanga vapihwa mvumo nanababa.

“Saka vanotomboenda kumba vozodzoka uye vamwe havatodzoki. Saka kana varume vakagona kuperekedza madzimai avo kuchipatara tinokwanisa kuvafundisa pamwe chete kuti vaite sarudzo yakanaka,” vanodaro.

Nzira yevasectomy haidzivirire kutapurirana utachiona hweHIV uye murume anenge achekwa anofanira kuita mwedzi mitatu achishandisa makondomu achionekwa nemachiremba kuti tsinga dzake dzavharika zvachose.

Mai Miriam-Helen Machimbirike, vanova program officer – Adolescent Sexual and Reproductive Health kuZNFPA, vanoti kuronga mhuri kwakakosha nekuti kunopa amai nguva yekuti muviri wavo usimbe mushure mekuzvara apowo mwana anenge achikura zvakanaka.

“Kune nzira shomanana dzinoshandiswa nevarume mukurera mhuri, zhinji dzakarerekera kumadzimai. Nokudaro tinokurudzira kuti varume vabatsire madzimai avo mukurera mhuri kuburikidza nekuvayeuchidza kutora mishonga yavo uye kushandisa dzimwe nzira dziripo semakondomu, kuchekwa dundiro panguva iyo dzimwe tsvakurudzo dziri kuitwa maringe nekurera mhuri kwevarume,” vanodaro.

Madzimai ane nzira dzakawanda dzekurera nadzo mhuri dzinosanganisira mapiritsi, kubaiwa majekiseni, kuchekwa machubu uye kushandisa makondomu echidzimai kana kuverenga mazuva apo varume vanogona kuita nzira yekurasira mbeu kunze (withdrawal method) zvisinei nekuti iyi haina chokwadi chakanyanya.

Zvichakadai, kuchine dzimwe tsika nezvitendero izvo zvinorambidza madzimai nevarume kuti vange vachishandisa nzira dzekuronga mhuri seapo mamwe makereke echipositori anorambidza vatenderi vavo kushandisa mishonga.

Ongororo yakaitwa nesangano reZNPC inoratidza kuti zvimwe zvitendero ndizvo zviri kuita kuti mamwe madzimai nevanasikana vaite vana vakawanda.

Chirongwa cheNational Family Planning Staregy (2016-2020) chine chinangwa chekuderedza ndufu dzemadzimai nevana panguva yekubara, kuwanisa vechidiki nzira dzekurera mhuri pasina rusarura uye kudzivirira kuitwa kwepamuviri pasina kurongeka nekuderedza nyaya dzekubviswa kwemimba zvisina tsarukano zvinova zviri kukonzera ndufu dzakawanda munyika dziri muAfrica.

Chirongwa ichi chine donzvo zvakare rekuti mishonga mizhinji yekurera mhuri inge ichigadzirwa munyika muno uye kuti kurapwa kwezvirwere zvepabonde nekuongororwa kwazvo zvinge zvichiitwa panguva imwe cheteyo apo vanhu vanenge vachiwaniswa nzira dzekurera mhuri.

Pasi rose, madzimai 120 miroyoni vanoda rubatsiro panyanya dzekurera mhuri uye mugore ra2012 Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika 69 mukuita chitsidzo panyaya dzekuronga mhuri (National Commitment to the Global FP2020) chinova chirongwa chiri kutsigirwa neGates Foundation neUnited Nations.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey