Uncategorized

Varume 2 vorwira mimba 1

11 Jul, 2014 - 00:07 0 Views

Kwayedza

VARUME vaviri vekuMagunje, kuHurungwe, vekumbobuda munhau vachiti vakaparikwa nemudzimai mumwe chete uyo wavanogara naye mumba imwe chete, vanonzi vave kudhonzerana mimba ine mukadzi uyu apo mumwe nemumwe ari kuti ndeyake. Chamunorwa Rurami (37) naSamuel Perkins Tsaramba Chimora Soko (43) vakambobuda muKwayedza gore rapera apo vose vaiti varume vaEnetty Midzi (29).

Pakabuda nyaya iyi vatatu ava vaigara vose, mumba imwe chete, kuMagunje.
Rurami anonzi akazowana basa kuHarare uko ava kugara achishanda Soko ndokusara nemukadzi.

Asi zvinonzi Soko ari kugara mumupanda wake umo anoroja uyuwo Enetty nevana vachigara mavo pamba pamwe chete apa.
Enetty ane vana vana nemurume wake mukuru, Rurami, sezvo Soko achinzi akazodanana nemudzimai uyu mugore ra2012 apo vana ava vakanga vaberekwa. Mhuri ine chipari chine musiyano iyi inogara panhamba 102 kudzimba dzeTiger Section paMagunje.  Kutaurwa kwazvo zvinonzi Enetty ava nepamuviri pane mwedzi mitanhatu apo pamutsa bongozozo pakati pevarume vaviri ava, mumwe nemumwe wavo achiti ndepake.

Gore rapera Enetty akaudza Kwayedza kuti varume vaviri ava vose ndevake. Akati:
“Rurami ndine vana naye murume wangu, uyu Soko ndewangu, anondipa mari nekunditengera kudya asi wandinonyanya kuda ndiye Soko.”
Soko anoita basa rehubhiridha munzvimbo iyi.

Vose varume vaviri ava vanoti vakabvisa roora, Rurami akabhadhara US$70 uyu Soko ndokubvisa US$50. Vanhu vemunharaunda vakataurwa navo vakaratidza kushamiswa nemagariro ari kuitwa nevatatu ava. Mai Rerutsai Taranja (34), vanova sahwira waEnetty, vanoti zvakawanda zviri kutaurwa nekuda kwenhumbu yesahwira wavo.

“Enetty ndisahwira wangu, ini ndinoti nhumbu ndeyaRurami nekuti kakawanda apo ndaivapa imba vachirara vose. ZvaSoko hamheno asi iye Enetty anoti vakagumisira kurara vose naSoko munaOctober gore rakapera uye anoti haachamuda nekuti akamuparadzira imba yake,” vakadaro.

Tendai Maenzanise (29), uyo anova muvakidzani wevanhu ava, akati zvinonetsa kuti pazivikanwe muridzi wenhumbu sezvo mudzimai uyu achiti varume vaviri ava ndevake.

“Anoziva muridzi wenhumbu ndiEnetty nekuti n’anga mukadzi. Varume vose ngavanyarare nekuti anobata nhumbu ndiye anoziva muridzi wayo,” vakadaro. Mai Fatima Makota (40) vakatsinhirawo vachiti kudai nhumbu yaiitwa mushandirapamwe vaingoti ndeye varume vaviri ava.

“Amai ava vanoshereketa saka isu vekunze hatigone kuziva kuti muridzi wenhumbu ndiyani, iye Enetty ndiye anoziva muridzi wayo,” vakadaro.

Vakashora mudzimai uyu pamwe chete nevarume vake vachiti vari kurarama semhuka.
Button Reza anogara pamba pamwe chete nemhuri iyi uye anoti:

“Achitaura Enetty ari kuti nhumbu ndeya Chamunorwa Rurami. Asi chinonetsa Soko ari kugara mumba mumwe chete naEnetty zvisinei kuti vari kurara mudzimba dzakasiyana.”

Zvinonzi pamuviri apap hapasati panyoreswa kuchipatara nenyaya yekushaikwa kwemari sezvo varume ava vachinzi vari kukondana kupa Enetty mari yekusikero.

“Rendi chaiyo Enetty ari kuishaya sezvo Chamunorwa asiri kudzoka kuHarare kana kutumidzira mari. Izvozvi Enetty aenda kumusha kwaaimbenge akavaka naChamunorwa Rurami kuti anotsvaira dzimba kuti anogara kumusha nekuoma kwamuitira upenyu. Hamheno kuti uyu Soko achatevera here ikoko kana kuti iyewo Chamunorwa achati kudii,” akadaro Reza. Zvakadaro, Soko naEnetty vanonzi vakatiza pamba apo vakanzwa kuti vatori venhau vakanga vachivatsvaga uyuwo Rurami akangonzi aishandira kugaraji rinotengesa mafuta emotokari kuWaterfalls, muHarare.

Share This:

Sponsored Links