Uncategorized

Varume ava imbwa here kana kuti inyoka?

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
HANDISI Mwari, asi ndiri mwana waMwari. Ndinofunga kuti kana munhu wave muKristu, pane zvinobuda mauri, pachipinda zvitsva zvinobva kuna Mwari.

Handibvume kuti muKristu haakure, haashanduke nekuti chiKristu chinoreva kushanduka, kupinduka, kutendeuka, kudzoka kana kuve chisikwa chitsva.

Kana ukaona uri muKristu, asi uchiramba wakafanana nahwindi pahunhu, pamashoko aunotaura nepamafungiro ako, buruka mukombi munokukonzera kusazvidzora nekuonererwa.

Handidi kutonga vamwe nekuti ndingazotora mhosva kuna Mwari, asi ndine zvinhu zvandinotya kutora mhosva pamusoro pazvo nekuda kwekurega kuzvitaura. Handinzwisise vafudzi vehwayi dzaMwari vanofudza vachirasa hwayi dzaMwari.

Kana varasa hwayi havagare pasi vachibata shaya kuti ndarasikirwa nehwayi.

Kana varasikirwa nehwayi havabude kunotsvaga hwayi idzodzo kuti dzisadyiwe.

Peter akabvunzwa naJesu katatu kuti, “Unondida here?” Akaudzwa kuti kana achida Jesu afudze hwayi dzake.

Ndiri kunamatira kuti ndishandurwe pamafungiro angu kuti arege kufanana neenyika ino.

Ndinoda Shoko raMwari zvakanyanyisa zvekuti handidi kuriona richimonyororwa mutsipa, richichekwa nekukakatirwa mumikoto kuti rinobatwa chibharo.

Shoko raMwari ndiMwari, rinoyera. Shoko raMwari rinovaka nekuumba hunhu mumunhu zvekuti haungarambe uri zvawakanga uri kubva pawakatendeuka.

Kana naJesu ane tarisiro yekuona zvibereko zvakanaka muvanhu vanonzi vana vake, asi tine hunhu husingaburitse munhu matiri.

Kune humwe hunhu hunorambwa nevanhu. Hunhu hunorambwa nevanhu, hunhu husingadiwewo zvakare nevanhu.

Chaiita kuti vanhu vazonzi “nhingi munhu chaiye,” kwakanga kusiri kudzidza, kana kuve nemari, kana runako, kana chinzvimbo chakakwirira kudarika vamwe. Kare mambo aingovewo munhu akafanana nevamwe achitoendawo kunovhima kana kunorima.

Chaiita kuti munhu anzi munhu kwakanga kusiri kubudirira kana kugona kuridza ngoma kwake. Munhu aive munhu kana achida vamwe, kana achiziva kuti nyika ndini newe nezvakatikomberedza.

Kunzi munhu ndicho chaive chitupa chekuti munhu akagamuchirwa nevanhu vaagere navo semumwe wavo.

Munhu akanga asinganzi munhu nekuda kwekunyengera kana kubata vamwe kumeso kuti uri munhu iwe uri bere kana nyoka.

Munhu aizvidzora. Munhu aisaba nekuti vamwe vari kuba. Munhu aitya zvakaipa, uye vanhu vaiti, “Chinovanzwa huroyi, huhurudza hauna mbigirwa.”

Mukugara kwedu, vanhu vasina hunhu vaigona kufananidzwa nemhuka mbiri — imbwa kana nyoka.

Munhu ainzi imbwa, kana achiita zvinosemesa, zvehumbwa, zvinoratidza kushaya nyadzi. Asi munhu aizonzi nyoka, kana ari mharadzi, ari munhu asina kutwasuka, ane hunhu hwakamonyoroka senyoka.

MuBhaibheri pane nzvimbo nhatu dzinotukwa vanhu nechituko chakaomesesa kwazvo vachinzi “vana venyoka.”

Kuna Mateo 12, Jesu anobvunza mubvunzo kuvaJudha kuti, “Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka?”

Anozotizve kuVanyori nevaFarisi kuna Mateo 23, “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena?”Pamwe pacho Johani akanga achibhabhatidza vanhu paakavingwa neVaFarisi.

Johani haana kumbonyenyeredza nemashoko ekuruma achifuridzira, asi akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya? Berekai zvibereko zvinoenderana nekutendeuka.”

Ndiri kutambudzika neshoko rakasvika kwandiri nevamwe amai vakafirwa nemurume wavo. Amai ava vari kuti muchechi mavo maita varume vaviri vakaroora, vane vakadzi vavo nevana — asi varume ava vari kuvapfimba. Varume ava chii? Imbwa here kana kuti inyoka?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>