Uncategorized

varume vochemedzwa nevakadzi

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
varume vochemedzwa nevakadzi

Kwayedza

‘Hazviite kumhan’ara’
 ‘Unosekwa nevanhu’
 ‘Unongofa unyerere’

Kingstone Mapupu
KUBVIRA kare, vanhurume ndivo vanozivikanwa nembiri isina kunaka yekurova madzimai avo kana vachinge vatadza kuwirirana mudzimba.

Asi mazuva ano masamba anoratidza kunge asiyana kana kuti “shiri yabvuta rekeni” semutauriro wechimanje-manje sezvo zvichinzi kune vamwe varume vari kugara vachirikitwa kurohwa nemadzimai avo asi vachikuvarira mukati nekunyara kubuda pachena.

Zvakakosha kuyeuchidzana kuti mhirizhonga haina kunaka zvachose.

Kwayedza svondo rino inoita hurukuro nevanhu vemazera akasiyana pamusoro penyaya yekuti kune varume vari kutsondokotwa kurohwa nemadzimai avo mudzimba, asi vonyara kuzvitaura.

Munyaradzi Motsi

VaMunyaradzi Nhengo — avo vanova programmes officer kusangano rePadare/Enkundleni Men’s Forum on Gender iro rinomirira kodzero dzevanhurume — vanoti nyaya dzevarume vanorohwa nemadzimai dzakawanda.

“Inyaya dzatinogara tichigadzirisa nguva nenguva apo varume vanoshungurudzwa nemadzimai avo mudzimba. Kakawanda kacho tinovagarisa pasi votaurirana,” vanodaro.

Mai Edinah Masiiwa, vanova executive director wesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, vanoti WAG inodzidzisa madzimai kugara zvakanaka nevarume pasina mhirizhonga.

“Nyaya dzakadaro tinosangana nadzo idzo tinogadzirisa nekutaura nemadzimai uyewo nekuunza varume vacho kuti vagarisane zvakanaka,” vanodaro Mai Musiiwa.

Kuchiti Steven Nyamutamba (35) wemubhuku raWashayenyika, kwaChivero, kuMhondoro, anotsinhira zvekurohwa kwevarume nemadzimai avo mudzimba.

“Kune varume vanorohwa zvakasimba nemadzimai avo mudzimba asi hapana anoda kuti nyaya idzi dzizivikanwe neruzhinji kana kuenda kumapurisa. Vamwe unonzwa vachiti vakakuvadzwa nemombe asi ivo vakarikitwa nemadzimai avo, tinotovaziva,” anodaro.

Taurai Chibamu

Mashoko ake anotsinhirwa naMunyaradzi Motsi (30) wemumusha weKuwadzana Extension, muHarare, uyo anoti kune varume vari kurohwa nemadzimai avo vachifira muchinyararise.

“Kana murume ukarohwa nemudzimai wako, zvinongonyadzisa kutaura kuhama kana kumhan’ara kumapurisa. Tinongokinditswa muchinyararire, dzimwe nguva ukaenda kumapurisa unotosekwa kunzi unorohwa nemukadzi.

“Saka varume vanoguma vave kungogara kumba, zvasiyana nemadzimai vekuti vanonopinda mukamba yemapurisa vachiridza mhere kuchema,” vanodaro.

Mai Martha Kachidza (33) vekuChitowa, kwaMurehwa, vanoti kune madzimai anorova varume izvo zvavanoshora.

“Ini ndava nemakore akawanda nemurume wangu, nyaya iripo murume anofanirwa kuremekedzwa. Variko vanorova varume nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Kunyangwe ukatorerwa mumwe mukadzi zvingaite here kuti urove murume? Ikodzero yemurume kuita madzimai aanoda nekuti dzimwe nguva ndinenge ndisingamugutse,” vanodaro mai Kachidza.

Mai Edinah Masiiwa

Delight Changereza (22) wekwaMurehwa anoti mukadzi nemurume vanofanira kutaurirana zvakanaka kana paine zvanetsa kwete kurwisana.

“Madzimai anoita izvi vanofurirwa nemamwe madzimai nekuda kwekupusa kwavo. Nyaya dzinotauriranwa kwete kurwisana,” anodaro.

Kuchiti VaTrymore Gatawu (39) vanogara mumusha weSunningdale, muHarare, vanoti kazhinji hazviite kuti murume amhanye kunomhan’arira mudzimai wake kumapurisa kana achinge arohwa.

“Chekutanga, hazvitaurike kuruzhinji kuti ndiri kurohwa nemudzimai wangu kumba. Vacho vaunenge uchizivisa vanotokuseka. Saka vamwe varume vari kuzvamburwa mazuva ose mudzimba vakanyarara, kana kumapurisa kwacho havakuende,” vanodaro.

Vanoti vamwe varume vanosvika pakufa vachingorohwa mudzimba pasina munhu wavanoudza, kunze kwevana vanoona vachirohwa.

“Vamwe varume vanotonyepa kuchipatara kuti vakuvadzwa vachiita mabasa akasiyana kumba kuti vakwanise kurapwa nyaya iyi isina kusvika kumapurisa,” vanodaro.

Cosmas Chikonamombe

Taurai Chibamu (28) wemubhuku raChibamu, kwaNyamweda, kuMhondoro, anoti: “Vanatezvara, vana nedzimwe hama vonzwa kuti wasungisa mukadzi wako nekuti akurova? Hazviite! Zvitori nani iwe murume urikite mukadzi iye onomhan’ara.”

Kuchiti Lydia Nyemwerai (39) wekuArcturus anotsinhirawo kuti variko varume vanorohwa nemadzimai avo.

“Madzimai anorova varume ava vanotanga vavapfuhwira kuti vazoita zvavanoda. Varume vakadai vanofanirwa kurutsiswa,” anodaro Nyemwerai.

VaTichaona Simoko Gatawu (40) vanoti varume vazhinji vanonyara kuti vanhu vogoziva kuti vanorohwa nemadzimai avo.

“Vakadzi vakarohwa nevarume mumba inyaya inoswera yazara muraini pamwe mukadzi atomhanya kumusha kwake nekumapurisa. Asi varume tikarohwa hatidi kuti zvizivikanwe kana kunomhan’arwa.

“Asiwo iwo madzimai vane katsika kekufunga kuti vanorova varume vakavhutidzwa chaizvo nezvibhakera havazvipamhidze futi, tinongoti vanhu vanofanirwa kutaurirana kwete kurwa,” vanodaro.

Tichaona Simoko

VaCosmas Chikonamombe (47) veHarare vanoti hakuna murume anonomhan’ara kumapurisa kana achinge arohwa nemudzimai nekuti zvinonyadzisa.

“Kunyange ini chaiye ndikarohwa ndinoshivirira ndiri mumba pane kuenda kumapurisa nekuti ndikamhan’ara mukadzi akasungwa anogona kunopika ndikasara ndichitambura nevana,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mhirizhonga mudzimba — hazvinei kuti mudzimai kana murume ari kurohwa — imhosva dzinofanirwa kumhan’arwa kumapurisa dzoferefetwa.

“Mutemo unodzivirira vanhu vose munyika vangava varume, vakadzi kana vana. Kungava kurohwa kana chose chawaitirwa chaunofunga kuti imhosva, endai unomhan’ara kumapurisa,” vanodaro.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vasatore mitemo vachiisa muhomwe dzavo kusvika pakurwisana asi kuti vaende kuvayananisi kana kumapurisa anodyidzana neveruzhinji.

Share This:

Sponsored Links