Varwi vashe vanoronga zvekudzokera kumusha

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Ticahziva
CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho)
Chiremba anotaura zvinoita kuti varwi vose vati zi-i kunyarara achivaudza kuti zvose izvi zvainge zvaitika nepamusana pekaharahwa Dendera kasingadi kushandura zvakanenge kafunga. Apedza kuparidzira varwi ava, panozorongwa zvekuti vadzokere kumusha. Zvose zvaitaurwa naChiremba zvainzwikwa navanaRevai nekuti maungira egomo aitora izwi oripa kwavari.

VanaRevai vanotura mafemo vaziva kuti varwi vaShe Dendera vadzokera kumusha kwavo. Mangwana acho shiri dzerungwanani dzinotanga kuimba nziyo, Revai ndokubva ayeuchidzwa nguva yaaifudza mombe kwaShe Chokupamba apo anonzwa nhengure ichidetemba. Zuva iri kuri kuratidza kuti kuchanaya dzvotsvotsvo remvura Revai ndokuyambira vamwe vake kuti vafambise vasvike pane misha kusati kwatanga kunaya. Chigange anowirirana nazvo.

ONGORORO
Munyori anoshandisa musambo wenhendeshure (flashback) apo anotiratidza zvinoitika kuna Revai apo anonzwa nhengure ichidetemba izvo zvinonzi, “. . . zvakabva zvafungisa Revai nguva dzaaifudza mombe kwaShe Chokupamba” (68). Tinoona kubvuma pachivanhu chedu kana pane zvinenge zvaitika.

Muenzaniso wekutanga tinouona paPeji 62. Ishe Dendere musi iwoyo vainge vaona mashura. Vainge vaona hangaiwa dzavo dzichibhururuka dzakaita rundaza ndokumhara pamusoro pemba dzose dzimire negumbo rimwe chete.

Chiitiko chepiri tinochiona paPeji 66 izvo zviri maererano nekuchema kweshiri iya inonzi hurekure. Zvinonzi, “Vakuru vakati ukange uchifamba usiku, ukanzwa shiri inonzi hurekure ichichema mberi kwako, iyambiro kuti kune chakaipa” (66). Chokwadiwo kubva mune zviri kuitika munyaya, painge pane chakaipa nekuti varwi vaShe Dendera vainge vasvika.

Maererano netsika nemaitiro evanhu, naMambo Dendera, tinonzwa Revai achiti, “Naihwo utsinye hwaDendera uhwu tingaitwe kanyama kanyama nemakarwe aya” (60). Kuzoti kana ari Pondai tinonzwa munyori achiti, “Ainzwira uyu tsitsi zvekuti nyaya yedzivo yakawedzera hasha dzake” (61). Mauto aIshe Dendera ainge arasikirwa neshasha dzekurwa saka “vaingoitira izvi kufadza ishe wavo” (67).

Iye mambo Dendera “munhu asina kukodzera kutonga nekuti aiita zveumbimbindoga chete” (67), pamusoro pezvo yaive harahwa “isingade kusunungura pfundo kana yasunga” (67) kana kuti aibva anamatira nezvaainge afunga. Revai ane ruzivo maererano nemamiriro ekunze. Zvinonzi, Revai ainyatsocherechedza mamhanyiro aiita makore zvekuti aiziva kuti nenguva isipi kwaizoronga mvura ichanaya hobvu chaiyo” (68).

Tsumo dzinowedzera udzamu pane zvinenge zvichitaurwa. Chigange ari kurwadziwa nekutekeshwa netsvimbo kwaaitwa naMambo Dendera zvekuti anotanga kufunga zvekupoya. Revai ndiye munhu waangawirirana naye kuti izvi zvibudirire. Zviri nani kuzviedza nekuti haangazivi pamwe zvinogona kubudirira. Saka munyori achishandisa tsumo achiti, “Zvinogaronzi matanda masairirwa, unosiya nerakaorera” (58) nekudaro kwaingove kuedzawo.

Vanhurume kana paita dambudziko vanoisa misoro pamwe vobatsirana saka Revai achiti kuna Chigange, “Hama yangu kutsva kwendebvu varume vanodzimurana” (59). Zvinhu zvose zvinoda kuedzwa, unogona kusiya nechinogona kukubatsira Pondai aiita zvose zvaaiedza achitevedzera murairo unoti, “Chenga ose manhanga, hapana risina mhodzi” (61).

Zvavari kuronga hazvidi kunonokerwa, zvinoda kuitwa zvichapisa nekuti vakanonokera mukana uyu unogona kupfuura wobva washaikwa zvachose. Chigange ane pfungwa iyi kuti vasanonoke “tisaite chinono chengwe, inga bere rakadya richifamba wani” (62).
(Enderero mberi zvondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>