Vashandi votaura nezvemari

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Vashandi votaura nezvemari Evelyne Chilengalenga

Kwayedza

Evelyne Chilengalenga

Evelyne Chilengalenga

Kingstone Mapupu
NEMUSI weChishanu svondo rino, vashandi vemuZimbabwe vachabatana nevamwe vepasi rose mukucherechedza zuva revashandi, rinodaidzwa kuti Workers Day. Zuva iri riri kucherechedzwa panguva iyo gavhuna webhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, Dr John Mangudya, vakatura mashoko ekuti kana zvichibvira mari dzinotambiriswa vashandi dzimbomira kuwedzerwa sezvo mamiriro eupfumi asiri kutendera kuti dzokwidzwe.

Dr Mangudya vanoti danho iri rakatorwa nedonzvo rekuvandudza upfumi hwenyika nekuti kana vashandi vakawedzerwa mari zvinoita kuti mitengo yezvinhu ikwire izvowo zvinokanganisa kusimudzira upfumi uhu.

Media Jonathan

Media Jonathan

Kwayedza yakaita hurukuro nevashandi vakasiyana avo vakapa mafungiro avo pamusoro penyaya yekuti vashandi vasawedzerwe mari yavanotambira.

VaDecide Spencer Chemusanga (31) vanobva kuMhondoro uye vachishanda basa rekutakura vanhu nekombi vanoti hazvina zvazvinoreva kuti vashandi vasakwidzirwe mihoro yavo nekuti ndipo pane upenyu hwavo.

“Vashandi vanofanirwa kuwedzerwa mari dzavo zvichifambirana nekuti kwavanoshanda zvinhu zviri kufamba sei. Zvikasadaro zvinoreva kuti vanhu vanofa nenzara nekuti izvozvi tinoona zvinhu zvichikwira.

Shylet Bhero

Shylet Bhero

“Sesu vemakombi tinoona kuti vanhu havachafamba nzendo sezvavaiita kare zvinorakidza kuti mari yavari kuwana kumabasa kwavo ishoma,” vanodaro.

“Izvozvi motokari dzedu dzinofamba dzisina vanhu nekuda kwekuomerwa uku saka tinoti vanhu ngavawedzerwe mari yavanotambira,” vanodaro.

Mashoko avo akatsinhirwa naVaJoseph Meda (26), vekuGlen Norah muHarare, vachiti mari ngaiwedzerwe zvichifambirana nemamiriro emakambani avanoshandira.

VaSPENCER Chemusanga

VaSPENCER Chemusanga

“Handione chingaite kuti vashandi vasawedzerwe mari, izvozvo zvoga kuti mushandi awedzerwa mari zvinoita kuti ashande nesimba uyewo nekuti asabe pabasa,” vakadaro VaMeda.

Zvisinei, VaTendai Chigondi (35) vekuMhondoro vanoti nyaya yekuwedzerwa kwemari kuvashandi zviroto uye haikodzeri.
“Ko iwo makambani acho anotiwedzera mari achiiwanepiko kana vachitokundikana kutibhadhara shoma yatagara tichiwana? Vashandi vazhinji vave nemwedzi inoraudzira vasati vatambira mari dzavo saka chero mari yacho ikanzi iwedzerwe ndinoona zviri zviroto,” vanodaro VaChingondi.

Mashoko avo akatsinhirwa naMai Evelyne Chalengalenga (42) vekuSunningdale, muHarare vachiti hazviite kuti vashandi vawedzerwe mari yavanotambira nekuda kwemamiriro akaita upfumi hwenyika.

“Nyaya dzehuwori ndidzo dzanetsa munyika muno. Saka kana dzisina kugadziriswa mumakambani hamuna mari dzinobuda kuti vashandi vapihwe. Somuenzaniso, kufodya kwanetsa nevemabhizimusi avo vave kutenga fodya kuvarimi vachinoitengesa kunyika dzakadai seBrazil neChina. Ndiko kusaka fodya yave nemutengo wepasi nekuti haisi kutengwa nevemakondirakiti kana makambani aisimboitenga,” vakadaro Mai Chilengalenga.

Mai Media Jonathan (42) vekuHighfield, muHarare vanoti vashandi vanofanira kuwedzerwa mari nekuti mamwe makambani ari kuita mari yakawanda asi achibatirira vashandi.

“Kune makambani atinoziva ari kuita mari asi ave kutotora mukana wekuti zvakanzi vashandi vasawedzerwe mari mumakore maviri ari kutevera. Ngavarege makambani anogona kuwedzera vashandi kuti vaitire vashandi vavo zvavanogona. Mushandi munhu ari kuomerwa neupenyu nekuti panguva iyo mari isiri kukwira, zvinhu muzvitoro zviri kukwira, rendi yepaanogara iri kukwira pamwe nemitero yemvura nemagetsi uye zvipatara saka mushandi ane kodzero yekuwedzerwa mari,” vakadaro.

Shylet Bhero (23) wekuGlen View 1 muHarare anotiwo hazvina zvazvinobatsira kuti vashandi vagonzi varege kuwedzerwa mihoro yavo nekuti yavari kutambira yagara haisi kuvakwanira.

“Kana mushandi achiramba ari pabasa makambani akavhura zvinoreva kuti zvinhu zviri kufamba saka vashandi ngavawedzerwe mari. Chatinoziva ndechekuti hakuna kambani inobvuma kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka, chavo kuchema chete,” vanodaro.

Richmond Dzumbunu (19) wekuHighfield muHarare zvakare anotiwo zvakakosha kuti vashandi vawedzerwe mari.
VaCharles Chihota (41), avo vane bhizimisi remabhazi ekutakura vanhu muguta reHarare vanotsigira kuti vashandi vawedzerwe mari yavanohora.

“Ini ndine mabhazi anoenda kuChegutu nekumwe, hakuna bhizimisi mazuva ano sezvo vanhu havasi kufamba izvo zvinoreva kuti mari yavo haisi kukwana. Ini ndinosara ndisina chandiinacho nekuti mabhazi haasi kuzara. Pamari shoma yandinowana imwe inotorwa nemapurisa nematollgates imwe yoenda mukugadzirisa mabhazi nekuvashandi,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links