Vasikana munhanga, vakomana mugota

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KANA ndichiti ngatimbodzidza nezve nzvimbo ndiri kuda kuedza kuburitsa mazita aipihwa nzvimbo nevakare vedu tichifananidza nemadaidziro otodziita zvino. Ndinodaro nekuti mwana wemazuva ano anongoziva kuti nyama inotengwa mubhucha rinova izwi remazuva ano. Haazivi kuti bhucha iri rinonzi siraha. Ivowo vekare vanogona kushandura mazwi ezvinhu zvakazouya vakura vachiisa muchiShona izvo zvakange zvisiko kare sokuti imba yokugezera yakauya zvino-zvino nokudaro vachena vakauya nayo vakaidaidza kuti “change house” vakuru ndokuiti “chinjaose”.

Saka ndati timboongorora nezvemazita anopihwa nzvimbo dzakasiyana-siyana.

Makudo zviya zvaanoswera achipishana nawo makomo, masango nemakura mukutsvaga chikafu ane panzvimbo pawo paanozorara. Vazhinji vanopaziva sepachiro asi panodaidzwa zvakare kunzi pachirau.

Pachivanhu kune vanhu vanosvikirwa nemudzimu. Vanhu ivava vane nzvimbo dzavanogara. Ndivo vanhu vakafanana nenyusa vanonaisa mvura. Panzvimbo kana kuti mazimba avanogara panonzi pabanya.  Mudzimu kana vari mumba vanopira kurukuva.

Vashona vane manamatiro avo vega vachitaura naMusikavanhu. Havangoendi pese pese kana voda kunamata kana kupira asi kuti vanoenda murushanga voita chivanhu chavo. Paya panogara mhuka dzinodyiwa navanhu panonzi pamitanga asi panorara mombe masikati dzanwa mvura kugokoro, apo dzinenge dzombozeya panonzi pamunhanga.

Mumba yokubikira, zvokudya zvinochengeterwa pachitangara.

Zvirimwawo zvakaita sezviyo, mhunga, mapfunde kana mupunga zvinopurirwa paruware kana kuti paburiro.

Zvirimwa zviya zvapurwa zvinochengeterwa mudura. Kana chiri chibage chisati chatokonorwa chinochengeterwa mundyanga kana kuti ngarani. Vamwe vanoisa mudara.

Huku dzinorara muzumbu, muchikwere kana kuti chipare. Panorara huku panogona zvakare kunzi chirugwi.

Mombe nemadhongi zvinorara mumatanga asi mhuru dzacho dzinorara muchirurwi, imomo munorara zvakare mbudzi kana makwayi.

Kana yava nzvimbo inorara tsuro yava kunzi guruguto. Vanasikana vanorara munhanga vakomanawo vachirara mugota. Imbwa dzinorara mugudzururu.

Shumba dzinorara mugwindingwi, madzimambo achivigwa muninga. Munogadzirwazve simbi munonzi muchapu.

Munotambirwa navana vachishambira munonzi mudhigidho, muduhwino, mudhidho kana kuti mubukucho.

Munovigwa vanhu vanenge vafa munonzi muguva kana kuti mubhwiro. Vana vadiki vaivigwa muhari, mujinga merukova kana kuti pasi pemuti wemukute kana mutsamvi.

Kana vasikana vasuka ndiro kana midziyo yekubikira vainanikira pachitata. Huni dzekubikisa dzinochengeterwa pabakwa.

Nzvimbo inowanikwa mikute mizhinji inonzi gute uye kunowanikwa mashuku kana mazhanje munonzi mujiri.

Kuya kunorimwa tsenza kana mupunga kuchigara kuine hunyoro kunonzi kudoro kana kuti dimbwa. Munda usati warimwa unonzi gombo, asi wakarimwa kare unonzi gura.

 

Share This:

Sponsored Links