Vasikana vakatsvunha

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Vasikana vakatsvunha Prof Mavima (kuruboshwe) vaine munyori mukuru kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete Masango (kurudyi) mushure mekutambidza Rumbidzai Zhou chitupa chake.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Vanasikana vakanyora bvunzo dzeA-Level dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera vakapasa nechikamu che89,6% kudarika vanakomana avo vakapasa nechikamu che84,7%.

Izvi zvakaziviswa muHarare svondo rapera negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, apo vakarumbidza vakuru vezvikoro, varairidzi nevana vechikoro nekushanda kwavakaita nesimba zvikaita kuti vabudirire pabvunzo idzi.

“Tinotenda nekubata basa nesimba kwakaitwa nevakuru vezvikoro, varairidzi pamwe chete nevana vechikoro,” vanodaro.

Vanasikana vakanyora bvunzo dzeA-Level mumwedzi waMbudzi 2017 vaiva 18 137 uye 17 991 vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika apo 16 122 vavo vakabuda neGrade A kusvika paE.  Vanasikana vakapasa nechikamu che89,6% kana zvichienzaniswa nevakanyora muna2016 avo vakange vaine chikamu che91,6%.

Vanakoma vakanyora bvunzo mumwedzi waMbudzi vaiva 22 256 kana zvichienzaniswa ne22 086 vemuna 2016 uye 18 568 vakapasa zvidzidzo zviviri kana kudarika zvichireva kuti vakapasa nechikamu che84,7%. Mugore ra2016, vanakomana vakanyora bvunzo dzeA-Level vakapasa nechikamu che86,7%.

Prof Mavima vanoti vanofara nekupasa kwakaita vana uye huwandu hwevakanyora bvunzo idzi.

“Kunyangwe zvazvo vanasikana vakanga vari vashoma tichienzanisa nevakomana, takaona vaine chikamu chepamusoro pakupasa kudarika vakomana. Zvinodadisa kana takatarisa nyaya dzekuenzaniswa kwemikana,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti vadzidzi vakanyora bvunzo dzeZimsec dzegore rapera vose vakapasa nechikamu che82,6% kana zvichienzaniswa ne84,2% ya2016.

“Chikamu ichi chakanaka zvikuru nekuti hatina kunyanya kuderera, asi tinofanira kuramba takashinga kuti tirambe tiri pamberi,” vanodaro.

Vanoti vana vakanyora bvunzo idzi gore rapera vaive 49 494 uye mukati mavo, 48 290 vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika apo 39 874 vavo vakabuda neGrade A kusvika E. Mugore ra2016, huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo mumwedzi waMbudzi hwaive 41 594 uye 40 482 ndivo vakanyora zvidzidzo zviviri kana kudarika apo mukati mavo, 34 081 vakabuda neGrade A kusvika E muzvidzidzo zviviri kana kudarika.

Prof Mavima vanotaura zvakare pamusoro pevakaremara mitezo vakanyora bvunzo dzeA-Level gore rapera vachiti munyika yose vaive 29.

“Pakati pevadzidzi 29 vakaremara avo vakanyora bvunzo idzi, 20 vaishandisa zvinyorwa zveBraille apo vanomwe vakanga vachishandisa zvinyorwa zvine mavara mahombe (Enlarged). Vadzidzi ava takavawanisa zvekushandisa zvakakwana kuti vakwanise kunyora bvunzo dzavo zvakanaka.  Dambudziko guru nderezvidzidzo zvesainzi zvisati zvaveko kuvadzidzi ava, nokudaro kazhinji kacho vanowanikwa vachinyora zvidzidzo zvakadai seGeography, Divinity neHistory,” vanodaro.

Pazuva iri, vamwe vana vakabudirira mubvunzo idzi vakapembedzwa ndokuenda kudzimba nezvitupa zvekugona kwavakaita. Rumbidzai Zhou (18) wekuGokomere High, kuMasvingo mumwe wevasikana vakapasa apo akabura mapoinzi 24 pabvunzo dzeA-Level uye anoti zvose izvi zvakabva mukushanda nesimba nekukudza Mwari.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey