Uncategorized

vasikana vodhakiswa, vozobhinywa

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
vasikana vodhakiswa, vozobhinywa Aya ndiwo mamwe emapati anoitwa nevechidiki apo vanasikana vanozogumisira vabatwa chibharo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO reCoalition of Zimbabwe riri kuita mabasa ekurwisa nyaya dzekumbunyikidzwa kwevanasikana nenzira yechibharo — zvikuru nevanhu vanenge vari murudo navo kunzvimbo dzakadai sedzekumafaro, Kwayedza yakaziviswa.

Dzimwe nyaya dzechibharo dzinonzi dziri kuitwa kuvanasikana sekumitambo yemabiko apo vanodhakiswa vogumisira vabhinywa nevadikani vavo.

Mai Sally Ncube, avo vanova national coordinator wesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe (WcoZ), vanoti munguva pfupi yadarika vakashanyirwa kumahofisi avo nemwanasikana uyo akabatwa chibharo nemukomana wake vari kumabiko (date rape).

“Zvinoitika ndezvekuti vanasikana vanogona kushevedzwa kumapati nevadikani vavo uko vanogumisira vabatwa chibharo munguva yekufara uku uye nyaya idzi dziri kuramba dzichiwanda, zvikuru mumaguta, kumakoreji nemayunivhesiti uko vanenge vari kure nevabereki vavo.

“Svondo radarika kumahofisi kwedu takaingwa nemwanasikana uyo akanga achisvimha misodzi mushure mekunge abatwa chibharo mushure mekutanga adhakiswa kumafaro uye akanga ava nechirwere chepabonde nepamuviri,” vanodaro.

Mai Ncube vanoti nyaya dzekubatwa chibharo kwevanasikana kumafaro hadzisi kunyanya kutaurwa nezvadzo muZimbabwe nepamusaka perusarura kana kuti kusemwa kunozoitwa vanenge vambunyikidzwa apo vanenge vava kupomerwa mhosva yekuti ndivo vanenge vanonyanyofarira mafaro.

“Vanasikana vazhinji avo vanenge vachiyaruka vanoda kuwaniswa ruzivo maringe nekuipa kwekuendeswa kunzvimbo dzemafaro dzakahwanda, kunyanya vaine vadikani vavo nekuti zvinopa mikana yekuti vazombunyikidzwa pabonde. Vamwe vasikana vanogona kungotevedzera vamwe vavo vachifunga kuti ndizvo zvinofanira kuitwa (peer pressure), sekumakoreji,” vanodaro.

Mai Ncube vanoti nyaya dzekubatwa chibharo kwevasikana munzvimbo dzemafaro dzinofanira kucherechedzwa uye panofanirwa kuitwa ongororo yakadzama.

Zvichakadai, ongororo yeNational Baseline Survey on the Life Experience of Adolescents (NBSLEA) muZimbabwe – iyo yakaitwa nesangano reZimbabwe National Statistics Agency (Zimsat) – inoratidza kuti chikamu che50% chevanasikana vakamhan’ara nyaya dzechibharo, bonde rekutanga rega-rega ravakaita rakauya nenzira yekubhinywa. Chikamu che41% chevasikana ava vakapinda munyaya dzepabonde vasati vasvitsa makore 18 ekuberekwa.

Ongororo iyi inotaridza zvakare kuti pavanasikana vane makore 18 kusvika 24 ekuberekwa, nyaya dzechibharo dzine chikamu che31% dzakaitwa pakati pevanhu vanenge vari murudo uye kazhinji kacho mudzimba dzinenge dziri dzevanhu vanenge vambunyikidzwa vacho.

Pamusoro pezvo, chikamu che78% chevanasikana vakabatwa chibharo vakakwanisa kunongodzera vakavabhinya vacho uye vari vadikani vavo kuchiti chikamu che2,7% chete ndicho chakakwanisa kuwaniswa rubatsiro rwekunorapwa nekubatsirwa nemagweta kubva kumasangano akazvimiririra.

Mai Ncube vanoti nyaya dzekubatwa chibharo kwevasikana kumafaro nevadikani vavo dziri kukonzera kupararira kweutachiona hweHIV.

Sangano reNational AIDS Council rinoti huwandu hweutachiona hweHIV pakati pevasikana vane makore 15 kusvika 24 okuberekwa hwakapetwa kanokwana kana zvichienzaniswa nevanakomana vezera ravo.

Zvakaonekwa zvakare kuti kana vanasikana vabata pamuviri nenzira yechibharo, kazhinji kacho vanomanikidzwa kuti varoorwe nevapari vemhosva dzacho.

Ongororo yakaitwa nesangano reGirls Not Brides Report on Zimbabwe inotaridzawo kuti mwanasikana mumwe chete pakati pevatatu vakapinda muwanano vasati vasvitsa makore 18 ekuberekwa uye munguva zhinji mhuri dzakawanda hadzizvicherechedzi kuti dzinenge dziri kuroodza vana kuvanhu vanenge vakavabata chibharo nepamusaka pekuda pfuma.

Zvichakadai, sangano reKatswe Sistahood rine hurongwa hwekusangana nenhengo dzedare reParamende kuti vange vachiita chirongwa chekupa chenjedzo yekurwisa nyaya dzekubatwa chibharo kwevanasikana (Campaign on Ending Date Rape & Securing Justice for Survivors).

Chirongwa ichi chichange chichitsigirwa nemasangano anoti Sadc neOXFAM.

Share This:

Sponsored Links