Vasinganyatsonzwa vakabatsirwa

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Vasinganyatsonzwa vakabatsirwa RTD Brigadier-General Felix Muchemwa vachitaura pagungano rekupihwa michina inobatsira vanhu vane matambudziko enzeve paLeonard Cheshire Centre, muHarare.

Kwayedza

RTD Brigadier-General Felix Muchemwa vachitaura pagungano rekupihwa michina inobatsira vanhu vane matambudziko enzeve paLeonard Cheshire Centre, muHarare.

RTD Brigadier-General Felix Muchemwa vachitaura pagungano rekupihwa michina inobatsira vanhu vane matambudziko enzeve paLeonard Cheshire Centre, muHarare.

Tatenda Moyo
VANHU vanosvika 276, vakuru nevadiki, avo vanorarama nedambudziko rekusanzwa zvakanaka vakabatsirwa pachena nemichina inovayamura kuti vanzwe nerimwe sangano rakazvimirira. Gungano iri rakaitwa paLeonard Cheshire Centre muHarare svondo rapera uye sangano reStarkey Hearing Foundation ndiro rakabatsira nemichina iyi.

Vachitaura pachiitiko ichi, Retired Brigadier-General Felix Muchemwa, avo vanova mupi wemazano mumahofisi emutungamiriri wenyika munyaya dzevakaremara mitezo, vakatenda sangano iri nerubatsiro urwu.

Vakati vanoshushikana zvikuru kuti zvipatara zvizhinji zvine mukurumbira munyika hazvina zvikamu zvinorapirwa varwere venzeve.
“Mukutenderera kwatakaita munyika nguva yapfuura, zvaiva pachena uye zvichishamisa kuti pazvipatara zvine mukurumbira zvizhinji paisava kana nechimwe zvacho chakakwanisa kuratidza kuti munhu matsi pakuberekwa kwake uye kana asiri matsi anonzwa kusvika pakadii?
“Pamusoro pezvo, paive pasina kana muchina wekurapa nzeve,” vakadaro.

“Pakange pasina zvakare madhokotera akamirira kurapa nekuongorora nzeve nekuti nyika ino nekukura kwayo ine madhokotera mapfumbamwe chete akamirira kurapa nzeve.
“Naizvozvo chirongwa chaburwa nhasi tinochigamuchira nemawoko asina kupfumbatwa nekuti tarangarirwawo.”

Principal Director wechikamu cheCurative Services mubazi rezveutano nekurerwa kwevana, VaChristopher Tapfumanei, vakati Zimbabwe haina zvikoro kana makoreji anodzidzisa madhokotera anoona nezvenzeve izvo zvinofanira kugadziriswa.
“Pari zvino hakuna kunodzidziswa pamusoro pekurapa nzeve munyika, anova madhokotera atinoti ‘audiologists’.

“Naizvozvo tiri kushanda nenzvimbo dzefundo dzakawanda kuti tione kuti pangagadziriswa nekuti madhokotera akamirira nzeve mashoma,” vakadaro.

Mutungamiri wesangano reStarkey Hearing Foundation, Dr William Austin, vakati chinangwa chavo ndechekusimudzira upenyu hwevanhu vakadai.

Zimbabwe inonzi ine vanhu 900 000 vakaremara mitezo, apo vanorarama sematsi vari pachinzvimbo chechishanu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>