Uncategorized

Vasungwa vakapihwa mbatya

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso—

VASUNGWA vechirume kujeri reGuruve Prison, kuMashonaland Central, vakabatsirwa nembatya, shangu nesipo yekugezesa nechechi yeUniversal Church of the Kingdom of God (UCKG) sechipo cheKirisimasi.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru weUCKG, Bishop Justice Colidiza, vanoti vanhu vari muhusungwa havafanire kurasa tariro yeremangwana rakanaka reupenyu.

“Mubhaibheri, kuna Deutronomio tinoona Moses paakange oda kusimudzirwa naMwari akatanga apara mhosva yehumhondi akarohwa neshamu, akakandwa mugwenga. Moses ari mugwenga, ndipo paakashevedzwa naMwari vakamusimudzira akatumgamirira vana veIsrael kubva muEgypt.

“Ndizvo zvinoita Mwari kana vave kuda kukurangarira. Pano hamusi mujeri bodo, asi muri pachikoro chemweya chamuri kudzidziswa hunhu hwakanaka hunodiwa naMwari kuitira kuti kana modzokera munyika mushandure mafungire enyu,” vanodaro Bishop Calidiza.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chishuviro chedu kuti mhuri dzevasungwa dzirege kuita rusarura kuhama dzavo nekuti Mwari achiri nerudo navo. Ndiko kusaka vachiri vapenyu kunyangwe zvavo vachirarama muhusungwa umo vanosangana nezvigozhero zvekuita mibato inorwadza, kushaya zvokupfeka asi Jesu Kristu vari kuvachengetedza.”

Vasungwa ava vakafarira zvipo zvavakapihwa nechechi iyi.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru anoona nezvepaGuruve Prison, Chief Prison Officer Joseph Ndlovu, vanotenda chechi yeUCKG nerubatsirwo urwu.

“Ndinoda kuti Mwari varopafadze sangano renyu nemawoko atambanudza zvipo izvi nekuti Mwari vatirangarira kuburikidza nemi. Tanga tiine dambudziko rekuti vasungwa vedu vanga vave kufamba vakashama vasisina chekupfeka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>