Vatambi mungano

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
MHUKA nevanhu ndizvo zvinonyanya kushandiswa navanasarungano sevatambi vemungano. Mhuka dzinoshandiswawo dzakamirira zvinhu zvinoitwa nevanhu muupenyu.

Dzimwe dzemhuka dzinowanzowanikwa mungano dzinosanganisira gudo, shumba, tsuro, bere, kamba nenzou.

Gudo/Dede/Bveni/Mutiro – Iyi imhuka inowanikwa mungano zhinji kwazvo semungano; Gudo naTsuro p.30.

Mungano zhinji Gudo rinoburitswa riri sekuru kuna Tsuro, uye richimiririra vanhu vakapusa (vasina njere), vasingafungi nevaye vanonyengedzwa nezvinhu zviri pachena.

Gudo rinomiririra vanhu vane chimiro chakaipa sezvo richizivikanwa namahobi.

Gudo rinomiririrazve vanhu vanoba, asi vasina njere zvinozoita kuti vapinde mumatambudziko.

Tsuro – Aka kamhuka kadiki, asi kaine ungwaru, undyire uye unyengedzi.

Mungano zhinji mhuka hombe dzinonyengedzwa naTsuro achishandisa njere dzake dzakapinza.

Muupenyu Tsuro inomiririra vanhu vane mhumhu mudiki, asi vachigona kushandisa njere kuti vawane zvinhu zvinenge zvichishaikwa nevanhu vane mhumhu mukuru.

Tsuro inoburitswawo ichimiririra vanhu vane utsinye muupenyu semungano; Tsuro naBveni p.66. Mungano iyi, Tsuro anonyengedza Bveni kusvikira razouraiwa navanhu.

Izvi zvinobva zvabudisa utsinye hwaTsuro.

Shumba – Mungano zhinji, Shumba ndiye aiva mambo wesango achitonga dzimwe mhuka dzose.

Aikwanisa kuunganidza mhuka dzose dzesango kana pachinge paita dambudziko rakaita senzara achiona kuti vangakunda sei matambudziko aya.

Muupenyu, Shumba anomirira umambo, uye chisimba chisina njere ndokusaka dzimwe nguva achinyengedzwa naTsuro kana kupinzwa mumatambudziko nekuda kwekusafunga kunomutuma kushandisa chisimba.

Pasichigare, madzishe aitonga akafuga dehwe reshumba zvinotsigira pfungwa yokuti shumba inomirira utongi mungano.

Shumba inomirira vanhu vane unyanzvi hwekuvhima, vanotyisa, uye vane mhumhu mukuru semungano inonzi Vasikana nevakomana shumba, p.12.

Gava – Iyi imhuka inobuda mungano iine uchenjeri zvikuru. Gava rinoburitswa riine uchenjeri sezvo richikwanisa kupfimba musikana richidiwa pasina nguva yakareba.

Uchenjeri hwegava hunoburitswa nekugona kunyengedza musikana kunyange zvake achizokwanisa kuona kuti mukomana wake wainge asiri munhu chaiye.

Ngwena/Garwe – Iyi imhuka inogara mumvura, asi ichida nyama zvikuru. Imhuka ine simba, uye inogona kubata hove. Inowanzodya icho chinenge chapinda mumvura ndokusaka kune tsumo yokuti, “Garwe haridyi chebamba charo chinoza neronga.” Muupenyu garwe rinomirira vanhu vanokara, vane simba rakanyanya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>