vatambi vari kutevera mari

20 Feb, 2018 - 10:02 0 Views
vatambi vari kutevera mari Kenny Mubaiwa

Kwayedza

Abel Ndooka
NHABVU yemuZimbabwe inonzi iri pamusoro zvikuru kana ichienzaniswa neyeSouth Africa zvisinei nekuti vatambi vazhinji vemuno vari kumhanyira kunotambira zvikwata zvekunyika iyi nenyaya yekutevera mari.

Svondo rino Kwayedza yakaita hurukuro nemapoka akasiyana anosanganisira sangano rePremier Soccer League nezvimwe zvikwata ichida kunzwa kuti sei vatambi vakawanda vari kufarira kutambira nyika dzemuAfrica dzakaita seSouth Africa pane kuEurope. Vamwe vevatambi vemuno vari kutambira zvikwata zvekuSouth Africa vanoti Khama Billiat naCuthbert Malajila vari kuMamelodi Sundowns, Willard Katsande naTeenage Hadebe (Kazier Chiefs), Tendai Ndoro (Ajax Cape Town), Danny Phiri (Golden Arrows), Ovidy Karuru naEnergy  Murambadoro (Amazulu).

Sachigaro weDynamos, Kenias “Kenny” Mubaiwa, anoti shuviro yavo ndeyekutumira vatambi kuEurope asi vamwe vacho vanosarudza voga kunotambira dzimwe nyika dzemuAfrica. Anoti vamwe vatambi vavo vanofuririka apo panouya zvikwata zvekuSouth Africa muno zvichiti zvinoda kuvatenga uye zvichivavimbisa zvinhu zvakawanda asi pavanozoenda ikoko kazhinji kacho havawani zvavanenge vavimbiswa.

“Isu seDynamos magadzirirwo atakaitwa ndeekuti vatambi vedu vanofanirwa kubva muno tichivatumira kuEurope nekuti ndiko kune bhora rese kwete kuSouth Africa. Isu muno hatikurirwe bhora neSouth Africa ndosaka vatambi vedu vachitambira zvikwata zvizhinji zveko. Tinoda kuti vatambi vedu tivatumire tega kuEurope,” anodaro Mubaiwa.

Kudzai Bare

Anoti vatambi vakawanda havateerere yambiro yavanovapa pamusoro pekutambira zvikwata zvekunze kwenyika, zvikuru zvemuAfrica.

“Asi chinonetsa ndechekuti mutambi kana abvuma kufuririka nezvaanenge audzwa nechikwata chekuSouth Africa achinzi achapihwa mari yakawanda haagadzikane anenge ave kutoda kuenda saka isu tinomboedza kumuonesa zvakanaka nezvakashata kana aramba tongoti enda hako. Kazhinji munoona vamwe vanongodzoka vasina chavainacho, tarenda riya raparara raenda mudondo. Togara tichivaudza vamwe kuti kumhanya handiko kusvika, mirai tikubikei tigokutumirai kuEurope,” anodaro Mubaiwa.

Anoti iye zvino zvikwata zvekuSouth Africa zviri kuita mari kuburikidza nevatambi vemuno nekuti ndizvo zvinozovatumira kuEurope pasina kana sendi rinouya kuchikwata chemuZimbabwe chinenge chakabika mutambi uyu. Mubaiwa anopa muenzaniso waKnowledge Musona uyo akatumirwa kuEurope neKaizer Chiefs yekuSouth Africa iyo yakawana mari nekutengesa mutambi uyu.

“Mukazvicherechedza, zvikwata zvekuSouth Africa ndizvo zvinenge zvakuchiwana mari yakawanda kuburikidza nekutumira vatambi vedu ava kuEurope isu takaita basa rese rekumubika pasina kana chatinowana,” anodaro Mubaiwa.

Zvakadaro, aimbove mutambi wemaWarriors – Harlington Shereni – uyo anove mumwe wevatambi vakabva muno vachienda kuEurope, anoti Zimbabwe ine vatambi vepamusoro vanokwezvwa nezvikwata zvekuSouth Africa.

“Hatisvike pane South Africa nekuti uko kune zvese, isu chatinacho chete vatambi vepamusoro asi takasarira kumashure,” anodaro.

Shasha yekutsigira chikwata cheWarriors, Chris “Romario’’ Musekiwa, anoti Zimbabwe ine vatambi vane matarenda anodakadza munyaya dzenhabvu.

“Tarenda riri muno rinonwisa mvura uye vatambi muno tiri kubika. KuSouth Africa kune mari chete asi pavatambi havasvike kwatiri ndiko saka muchiona zvikwata zveko zvichiita kurwirana vatambi vedu vemuno. Isu tinofanirwa kunyatsoshambadza ligi redu kuti tisvike pane reSouth Africa asi ndinoziva hangu tichasvika pariri nerimwe zuva,” anodaro.

Administrator weCAPS UNITED, Morton Dodzo,  anoti ligi remuno riri kumashure zvikuru pane reSouth Africa.

“Mukaongorora, South Africa yave kumberi pane zvakawanda munyaya dzenhabvu, inoverengwa pasi rese seligi hombe nekuti vakotsveri variko vanodira mari uye vatambi vane mukana mukuru wekutengeswa kuEurope. Isu muno tinobika vatambi vepamusoro asi nekuda kwekushomeka kwemari ndicho chikonzero chaunoona vachimhanyira kana kuSouth Africa nekuti vanowana hupenyu huri nani uye vanenge vane mukana mukuru wekuonekwa nezvikwata zvekuEurope kudarika pavanenge vari muno,” anodaro Dodzo.

Mukushi wemashoko wePSL, Kudzai Bare, anoti zvakakosha kuti zvikwata zvinokwikwidza muligi remuno zvibike vatambi vanove nyanzvi vanokwanisa kutambira kuEurope.

“Zvikwata zvese zvemuno zvinofanirwa kushanda nesimba mukubika vatambi nekuti ishuviro yedu kuti vatambi vabve muno vachienda kuEurope kwete kungonozara kuSouth Africa kana Tanzania.

“Tinoda kuti vaende kuEurope nekuti zvinobatsira kuti ligi rikure uye zvinounza vakotsveri vanodira mari muno izvo zvinozobatsirawo kuti nhabvu yedu isimukire,” anodaro Bare.

Share This:

Sponsored Links