Vatambi vekunze kweZim, Epoupa ishasha hake asi . . . haasvike pana Mankinka

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Vatambi vekunze kweZim, Epoupa ishasha hake asi . . . haasvike pana Mankinka

Kwayedza

Abel Ndooka —
KUUYA kwakaita Christian Epoupa kuchikwata cheDynamos FC kwakambosiya vatsigiri vazhinji venhabvu vachikwenya misoro vachiti mutambi uyu ndeupi uye ane tarenda here rinogona kuti atambire DeMbare?

Nyaya huru yaive pakuti kana achigona zvikuru, chii chaimutadzisa kutengwa ne- zvikwata zvikuru zvekumhiri kwemakungwa?

Asi chizvarwa chekuCameroon ichi chakanyaradza vazhinji ndokutanga kunwisa zvepamusoro uye parizvino iye naDominic Chungwa weCAPS UNITED ndivo vari kurwira mubairo weGolden Boot sezvo vese vakwanisa kunwisa ka11 mumitambo yePremier Soccer League.

Zvichitevera kuuya kwaEpoupa kuDynamos, CAPS UNITED yakabva yatengawo Abasirim Chidiebere wekuNigeria.

Mubvunzo mukuru uri pamiromo pevatsigiri venhabvu vazhinji ndewekuti vatambi vaviri ava vachasvika papi kana zvichienzaniswa nevamwe vekunze vakamboita mukurumbira munyika muno?

Muhurukuro nemuongorori wenhabvu ane mukurumbira – Charles “CNN” Mabika – anoti matambiro aEpoupa anoyevedza zvekuti anomuenzanisa naSandras “Chopper” Kumwenda uyo akatambira Dynamos FC muchikwata chakasvika kufainari yeCAF Champions League mugore ra1998

Pana Chidiebere, Mabika anoti haazive kuti mutambi achanetsa zvakadii nekuti haasi kutamba mitambo yakawanda kuchikwata chake.

“Epoupa anogona uye ane tarenda rinodadisa, ndichimutarisa ndinobva ndafungiswa nezvaSandras Kumwenda nematambiro aanoita. Epoupa ndinomuisa pavatambi vekunze vakatamba chaizvo nhabvu inodakadza muno,” anodaro Mabika.

Anoenderera mberi achiti, “Chidiebere handingazive hangu kuti tomuisa papi chaipo nekuti haasati atamba mitambo yakawanda zvikuru uye tichiri kuda kuziva kuti anoita nezvei chaizvo.”

Pavatambi vekunze vakatambira muno, Mabika anoti mushakabvu Derby Mankinka wekuZambia ndiye waanoisa pamusoro pavamwe vose achiti aitamba nhabvu inonwisa mvura.

Mabika anoti Mankinka – uyo akatambira Darryn T – aive mutambi ane chipo chaidakadza uye akatamba muno kwekanguva kadiki ndokubva aenda kuPoland kunotambira Legia Warsaw.

Vatambi vazhinji vekunze vakatambira muno zvi- zvarwa zvekuZambia avo vanosanganisira Kumwenda naClive Mwale (Dynamos), Ian Bakala naLaughter Chilembe (CAPS United), Ferdinand Mwachindalo uyo akatambira Masvingo United, John Maduka wekuMalawi aive nezvidobi zvainakidza zvikuru akatambira Black Aces kozoti Webster Chikabala wekuZambia uyo akatambira Darryn T neMhangura.

Share This:

Sponsored Links