Vatambi vetsiva vosimudzirwa

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Vatambi vetsiva vosimudzirwa

Kwayedza

Abel Ndooka
PUROMOTA wetsiva ane mukurumbira Clyde Musonda anoti kambani yake yeDeltaforce Boxing Academy iri kushanda zvakasimba kusimudzira mutambo uyu kuburikidza nekuronga mitambo mwedzi wega iyo ichaona vatambi vemuno vachirwa nevekunze.

Kusvika parizvino gore rino, kambani iyi yakwanisa kuronga mutambo mumwe chete uyo wakaitwa mwedzi wadarika apo Elvis “Bomber” Moyo akakunda Knife Didier wekuDemocratic Republic of Congo (DRC).

Gore radarika muna Zvita, Tinashe Mwadziwana akarikita Robert Kachidza wekuMalawi izvo zvakazoona Mwadziwana achipihwa kombi zvichitevera kuhwina kwaakaita.

Muhurukuro neKwayedza, Musonda anoti kambani yake iri kushanda nesimba mukusimudzira tsiva nedonzvo rekuti vatambi vave nepunduko muhupenyu hwavo.

“Isu chatinoshuvira seDeltaforce Boxing Academy kuunza pundutso kuhupenyu hwevatambi vetsiva vemuno uye tinoda kuvaona vachirarama hupenyu hwakanaka hunoyevedza.

“Mwedzi miviri yadarika, takaronga mitambo uye vari kutowana pundutso kubva mumitambo iyi,” anodaro.
Zvakadai, apo Musonda ari kuedza kusimudzira mutambo uyu, nerimwe divi bhodhi reZimbabwe Boxing Board of Control rakamutorera rezinesi rake richiti ange ari kutyora mutemo kuburikidza nekutsvaga vakotsveri nenzira dzisina kunyatsojeka.

Musonda anoti kutorerwa kwaakaitwa rezinesi rake hakusi kudzosera iye kumashure asi kuti vatambi vetsiva vakawanda sezvo pasina mamwe mapuromota ari kuronga mitambo mikuru sezvaari kuita ichibuda paKwese TV.

“Iye zvino ndatorerwa rezinesi rangu hameno kuti vanofunga kuti vagonei chaizvo asi chavasiri kuona ndechekuti vari kukanganisira vatambi vetsiva vemuno nekuti ndini ndega ndange ndichikwanisa kuvatumira kunorwa kunze kwenyika.

“Ndinozivana nemakambani akawanda anoita zvetsiva kunze uko uye vanonditsvaga kana vachida kuronga mitambo muno. Manje vakafunga kuti vandiwisira pasi hapana zvavaita wena, ini basa rangu riri kuenda mberi,” anodaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links